Chitunha chakaenda nezvehusiku

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Chitunha chakaenda nezvehusiku

Kwayedza

Top1Kingstone Mapupu
KWASHE Negomo, kuChiweshe kwakaitika  manenji apo guva rainge ravigwa chitunha chemwana rakafuma rakafukunurwa, mutumbi ndokutorwa ukaenda kusati kwazivikanwa, ndokusara mangova nemachira chete.Pane fungidziro huru yekuti chitunha ichi chakatorwa nezveusiku.

Mushakabvu uyu, uyo akashaya ave nemwedzi mishanu yekuberekwa, aive mwana waVaKadreck Humbasha Zungu (28) amai vake vari Everjoy Gomwe (19).

Mwana uyu anonzi akangorwara ndokufa achibva anovigwa pedyo nerwizi nechembere dzechechi yeJohane Masowe, inova inopinda vabereki vake.

Mashura akazotevera: Vanhu vaidarika nenzira vanonzi vakazoona jira jena raiva rakaputira mutumbi pawakavigwa, pamwe chete nembatya dzainge dzakapfekedzwa mufi, vachibva vanozivisa varidzi veguva iri nezvechishamiso ichi.

Mai Gomwe vanoti mwana wavo akashaika nemusi wa24 Chikunguru ndokubva avigwa zuva rimwe chete iri.

Amai vemushakabvu vakati: “Mwana wangu akafa mutumbi wake ndokubva wanovigwa nemachembere ekuchechi kwedu kuJohane Masowe. Ini handina kuenda pamwe chete nababa setsika dzedu dzechivanhu.

“Ndakazongonzwa vanhu vave kuuya vachiti chitunha chemwana uyu chakafukunurwa apo vakaona jira kunze kweguva uyewo neheti yaiva chinhambwe kubva paguva. Izvi zvakaitika svondo rapera.”

Baba vemwana uyu, avo vasina kuonekwa pakashanyirwa nzvimbo iyi, vanonzi vakazoenda nevakoma vavo kunoona mashura aya ndokusiya vadzosera jira raiva rakaputiriswa chitunha pachakavigwa muguva pamwe chete neheti.

“Murume wangu akaenda kunoona mashura aya aina vana babamukuru Ramuel Humbasha Zungu, Neward Zungu naGibbon Manyenjere ndokunodzosera machira aya muguva,” vakadaro Mai Gomwe.

Kwayedza payakashanyira uku, yakaratidzwa guva rainge rakafukunurwa zvichiratidza kuti mainge musisina mutumbi.

Mumwe wemadzimai akaona mashura aya achangobva mukuitika, Mai Hazvinei Rusenza (38), vanoti vakaona muguva musina chitunha uye pangosara machira aiva akaputiriswa mutumbi neheti bedzi.

“Takaenda kuguva uku tiri vatatu ndokunowana angova machira chete, jira raiva rakaputiriswa chitunha chemwana raiva padyo neguva, heti iri kure zvishoma. Kudivi kwaiva kwakacherwa tonera kana kuti ngwavava kwaitova neburi kuratidza kuti chitunha chemwana chaiva chatorwa.

“Tiri kufungira varoyi kana kuti vanhu vanotsvaga mari kana vemakombi, ava vanonotengesa mitumbi iyi kuSouth Africa,” vakadaro Mai Rusenza.

Alice Zungu (27), mukoma wemushakabvu, anoti nyaya iyi akashamiswa nayo.

Mashoko ake akatsinhirwa nehanzvadzi yake, Prince Zungu (26), uyo anoti akavhundutswa nezvavakaona.

Kurwizi rwaKakwidibire, uko kunonzi kwakanovigwa mwana uyu, kune mamwe makuva akawanda evana vacheche.

Nyaya iyi inonzi yakazosvitswa kumapurisa ekwaNzvimbo avo vanonzi vakakurudzira baba vemwana uyu kuti vadzokere kumba vonofushira guva iri patsva, izvo vasina kuita sezvo vakangodzosera machira chete, ndokurisiya rakashama.

Mai Kudzanayi Chibira (31), mumwe wevagari venzvimbo iyi, vanoti vakashamiswa zvikuru nechiitiko ichi.

Mai Precious Kasambarare (35), mumwezve wevakatanga kunoona kufukunurwa kweguva iri, vanoti vakasvikoona machira chete, asi muguva musina mutumbi.

“Kutaura chokwadi mutumbi wemwana hauna kumbofukunurwa nembwa, dai zvaiva izvozvo tingadai takaona ropa rekudyiwa kwechitunha ichi. Kana jira racho ringadai raiva neropa. Mwana uyu anogona kunge akatorwa nevaroyi kana nevemabhizimisi vanoda kushandisa vana vadiki kuita mabhizimisi,” vakadaro Mai Kasambarare.

Mudunhu iri munonzi hamuna mhuka dzesango dzingarura zvekufukunura guva.

Babamukuru vemushakabvu, VaNeward Zungu (45), vanoti vanzwa nyaya iyi, vakatsvaga sahwira uyo wavanoti ndiye akazodzosera jira neheti muguva.

“Patakasvika takaona pamusoro peguva paine matsimba anenge embwa kunge ebere kana kuti edzimwe mhuka. Hamheno kuti imbwa here dzakafukunura kana kuti dzimwewo mhuka asi zvevaroyi hatigone kuzviramba,” vakadaro.

Guva iri vanoti rakange rakadzika zvikuru uyewo vakazochera tonera, nekudaro hazvaimbokwanisika kuti mutumbi wemwana uyu utorwe nemhuka.

“Nyaya inonetsa hatina patakamboona mapfupa kana ropa kana zvidimbu zvenyama zvingaratidza kuti mutumbi wemwana wakadyiwa. Ipapo panonetsa,” vakadaro.

Pakadhindwa bepanhau rino nyaya iyi inonzi yakange isati yasvitswa kwaShe Negomo.

VaChenjerai Zungu (38) vanoti zvinoda kuti nyaya iyi ifambirwe sezvo panogona kunge paine kushereketa kwakaitwa.

Pane vamwe vanhu vanoti vari kufungira kuti panogona kunge paine kushereketwa kwakaitwa nemachembere akanoviga mwana uyu.

“Hazvina mhosva kuti vanhu vechechi vakaviga chitunha ichi, mumachechi umu mave kushereketwa zvikuru,” akadaro mumwe murume.

Sabhuku wemusha uyu, VaKenneth Muronzi (67), vanoti havana kumbobvira vakaona mashura akadai muupenyu hwavo.

Vakati: “Iyi inyaya yekutanga muno mudunhu mangu uye zvinoshamisa. Mwana uyu akatorwa nevaroyi izvi hatizvirambe. Ini ndaiva mutyairi mukuru wemarori, ndairara kana nekushandira kumasango eGonarezhou, kwese kuGokwe nekuBinga kwairura mhuka. Asi hakuna mhuka dzinofukunura makuva, ichi chishamiso.”  Vanoti vemhuri yemwana uyu havawirirane uye vanogara vachiita makakatanwa.

“Vakauya kwandiri ndikavati vaende kumapurisa nekwashe izvo vakaita, kwangosara kuti vaende kwashe chete,” vakadaro.

VaRichard Madamombe (61), vanoti nyaya iyi haifanirwe kungotarisirwa pasi asi kuti inoda kuferefetwa.

Share This:

Sponsored Links