Uncategorized

Chitunha chakamera mazino

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Chitunha chakamera mazino

Kwayedza

Daphne Machiri

NYAYA yemwana kasvava wekwaMambo Makope, kuMvurwi – uyo ari kunzi akadyiwa mhuno yake yose, muromo zvose neminwe ari mupenyu nezvinhu zvisina kuonekwa, mushure memazuva mashoma achibva azofa apo chitunha chake chakabva chamera mazino matatu akareba – yatenderedza vagari venzvimbo iyi misoro.

Mashura aya akaitika papurazi reGovite. Mai Siti Mapambaro (35) vanoti vari kurwadziwa zvikuru nezvakaitika kumwana wavo wechinomwe, Alaika, kubva pakudyiwa mhuno, muromo neminwe uye kuti chitunha chekasvava aka chakazomera mazino.

“Mwana wangu wekutanga akashaya ave nemavhiki maviri okuberekwa apo akangochema husiku ndokutofa. Uyu wekufa musi uno uyu ashaya ava nemasvondo matatu bedzi azvarwa. Akatanga nekudyiwa minwe nezvinhu zvatisina kuona kana kuziva, zvikatishamisa tose nababa vake, Tepani Chitepani.

Tepani Chitepani

“Mumba medu hamuna kana makonzo, saka tinotadza kuziva kuti mwana akadyiwa nei. Takangoti pamwe ndezvemusi uyu chete, asi rechimangwana racho mwana akafuma akadyiwa mhuno yose nemuromo,” vanodaro Mai Mapambaro.

Mwana uyu asati afa, vanoti vakambofamba semhuri vachida kunzwisisa kuti chii chaimudya.

“Mushure mekunge adyiwa minwe, takaenda kumaporofita kuElgin Farm kudhuze nekwatinogara vakatipa muteuro vachiti tidzoke kwapera mazuva matatu. Zvisinei, mwana akabva afa,” vanodaro.

Mai Mapambaro vanoenderera mberi vachiti, “Mwana airara pakati pangu nababa vake zvekuti kudyiwa kwaakaitwa hatina chatakanzwa kana kuona husiku ihoho. Takapererwa zvekushaya pekutangira asi takashevedzawo vavakidzani vedu kuti vaone mashura aya.

“Vakatoshamisikawo nazvo apo mwana aiyerera ropa, chari yose nenhumbi dzaakange akapfeka zvazara ropa.”

Vanoti mushure mekushaya kwemwana wavo, zuva iroro akabva amera mazino.

“Mwana uyu akamera mazino matatu mahombe uye ainge akasimba, maviri kumusoro nerimwe chete kuzasi. Takatya nazvo, nanhasi tiri kuzvishairwa pazvo.”

Vanoti nyaya iyi vakazoisvitsa kaMambo Makope. Mambo Makope, VaJacob Makope Mapirinjanja, vanoti nyaya iyi yakasvika kudare ravo asi havana kukwanisa kuitonga nekuda kwekuti akaita izvi haasi kuzivikanwa.

Mambo Makope

“Nyaya iyi yakasvika mumaoko mangu asi ini handina kuitonga. Ndakati kune vemhuri iyi vazvitsvagire mhinduro pane zvakaitika,” vanodaro Mambo Makope.

Mambo ava vanokurudzira veruzhinji kuti vararame upenyu husina kuromba.

“Vanhu ngatirarame upenyu hwakachena, husina kudeura ropa. Anenge azobatwa nemhosva yekudeura ropa imhosva hombe iyoyo. Ngatigarisane zvakanaka tichiremekedzana,” vanodaro.

Solom Mushuta, uyo anove muvakidzani waMai Mapambaro, anoti iye nevamwe vemunharaunda zviri kuvanetsawo kuti mwana anodyiwa mhuno, muromo neminwe ari mupenyu uye kuti chitunha chake chozomera mazino.

“Isu zvinotishamisa. Hatisati tamboona zvakadai kubva ndichigara muno. Ndava kubvuma kuti varoyi variko, hakuna mvura isina chura,” anodaro Mushuta.

Mumwezve muvakidzani, Chipo James, anotiwo, “Hatisati tambozviona zvakadai, chivanhu chine hubatwa mukati hazvisi zvoga izvi. Ini ndinototya nazvo, aya mashura mudunhu rino.”

 

Share This:

Sponsored Links