Uncategorized

Chitunha chakamuka: Musha wochenurwa

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Chitunha chakamuka: Musha wochenurwa VaEsau Zananda

Kwayedza

VaEsau Zananda

VaEsau Zananda

NYAYA yemusikana wekwaNembudziya, kuGokwe, wekunzi chitunha chake chakamuka kwadarika mazuva matatu afa, ndokudya bota nekudzvuta mvura, pashure ndokuzofazve, yave nepamwe.

Kune mashoko anoti vamwe vechikuru mumhuri yemushakabvu vava kutsika madziro vachiramba kuti musha wavo uchenurwe nen’anga yakatsvagwa nasadunhu weko kuti zvionekwe chakakonzera manenji aya.

Mukupera kwemwedzi waChikumi, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemwana ainzi Ashel Abigail Zananda (14), uyo ane mutumbi unonzi wakaita mazuva matatu uri mumba ndokuzomuka, Ashel akadya bota asi ndokuzofa zvakare.

Kuburikidza nechiitiko ichi, Sadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamhuyenhanzva (51), vanoti vakazotsvaga n’anga yekuti ibatsire mhuri iyi.

“Nekuda kwekuti ichi chishamiso chakaitika mudunhu rangu, Mambo Chireya vakaziva nyaya iyi tikawirirana kuti titsvage n’anga dzinobatsira mhuri iyi.

“Takatsvaga chiremba anonzi Booster, uyo ari kushanda izvozvi kutsvaga zvakaitika asi dambudziko ravapo nderokuti vanababa vemumhuri iyi vari kuramba kuuya kuzochenurwa,” vakadaro.

“Vanababa vemusha uyu vatatu vari kuramba kuuya kuzochenurwa kuti zvizivikanwe kuri kubva dambudziko iri. Saka ini sasadunhu wenzvimbo yakaitika masaramusi aya, ndinoda kumanikidza vanababa ava kuti vauye kuna chiremba uyu,” vakadaro.

Sadunhu ava vanoti vari kuronga zvakare kuenda kumapurisa kuti avabatsire kuti vanababa vemhuri iyi vabvume kuchenurwa nen’anga.

Vanoti kusvika pari zvino, n’anga iyi ine zvayakatoita pamusha uyu, zvimwe zvacho zvaikwezva matambudziko.

Mumiriri weGokwe Nembudziya mudare reHouse of Assembly, Cde Justice Mayor Wadyajena, vanoti madzimambo nemadzishe edunhu iri vanoziva zvekuita nenyaya iyi.

Baba vemuchakabvu, VaEsau Zananda (40), vakatsinhira nyaya yekuti pamusha pavo pakaendwa nen’anga yekuda kuchenura.

“N’anga inonzi Booster yakauya nevamwe vayo vakatanga kushandira pamusha pangu, vakabvisa chidende muhuswa paimba yekubikira icho chaiva nemvura mukati,” vakadaro VaZananda.

Vanoti n’anga iyi yakazosiya yarovera hoko pamusha pavo.

“Dambudziko riri kuitika nderokuti kune vamwe vedu vari kuramba kuuya kuzochenurwa.

“Ndangomirira kunashe wedu Nembudziya kuti vatore matanho,” vakadaro.

Vanoti vemhuri yose yekwaZananda inofanirwa kuchenurwa nen’anga iyi kunyangwe zvazvo kuine vamwe vari kuramba vachiti vanonamata uye chechi dzavo hadzivatenderi kuti vaite zven’anga.

“Kune dzimwe hama dzangu dziri kufona dzichindivhundutsira kuti ndichazviona nekuuya kwakaita n’anga iyi asi hadzisi kutaura kuti ndichazviona pakuita sei,” vakadaro VaZananda.

Mudzimai wavo, Mai Precious Muringo (35), vanoti vangomirirawo kuona zvichabuda pakuchenurwa kuri kuitwa musha wavo nen’anga.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (46), vanoti nyaya yose vakaisiira kuna sadunhu wenzvimbo yakaitika mashura echitunha chekumuka aya.

“Ndakamirira kunzwa zvichabva kune mumwe wangu, Sadunhu Nembudziya, nekuda kwenyaya iyi,” vakadaro Mambo Chireya.

Mudunhu rimwe chete iri ndimo mune mwana uya wekumbotakurwa neshiri asi ndokuzodonhedzwa apo yainge yava mudenga. Mwana uyu mupenyu.

KuGokwe zvekare ndiko kune bhuku rine vanhukadzi vaingofuma vakabviswa zvipfeko zvemukati nezvinhu zvavaisaziva kana kuona.

 

Share This:

Sponsored Links