Uncategorized

Chitunha chakanhongwa pamasowe

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Chitunha chakanhongwa pamasowe Mutumbi waNoah wakange wowora

Kwayedza

Liberty Dube ari kwaMUTARE

MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuchekeresa, chitunha chemwana ane makore maviri ekuzvarwa chakawanikwa chiri pamasowe eSt Noah Shrine, kuMafarikwa, kwaMarange, mushure memazuva 11 mwana uyu atsakatika.

Matikitivha emapurisa eZimbabwe Republic Police ndiwo akawana mutumbi wemwana uyu – uyo wainge wawora uri pamasowe apa.

Rufu rwemwana uyu rwatyisa vazhinji kwaMarange uye rwunotevera mashoko aitenderera paWhatsApp apo paitaurwa zita remumwe muzvinabhizimusi achinzi ndiye ane chekuita nekufa kwake.

Mambo Marange

Noah akashaikwa zvisina tsarukano pasowe iri nomusi wa20 Gumiguru, mushure ndokuzoonekwa akafa nomusi wa31 Gumiguru.

Mapurisa ari kuendera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

“Amai VaNoah, Patience Fenyere (28), vakasiya mwana wavo arere mutende pamasowe apa kuma3 dzemusi wa20 Gumiguru gore rino, asi pavakazodzoka vakasvikomushaya. Vakaedza kumutsvaga asi havana kumuwana. Vakazivisa mapurisa.

“Mumwe anonzi Arnold Mabiya (44) – uyo anoshanda pasowe iri – akazoona mutumbi wemwana uyu watowora zvakanyanya nomusi wa31 Gumiguru achibva azivisa matikitivha,” vanodaro Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanova mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland.

Havana kuda kutaura zvakawanda pamusoro pekuti mutumbi uyu waive nenhengo dzakakwana here kana kuti kwete.

Pamashoko aitenderera paWhatsApp, mumwe muzvinabhizimusi wekwaMarange – uyo ane chitoro paMarange Business Centre – anonzi akaedza kupa chiokomuhomwe che$10 000 kunaMambo Marange kuti vatsimbirire nyaya iyi.

Mambo Marange vanonzi vakaramba mari iyi uye vanhu vemunharaunda vari kuramba vachipomera muzvinabhizimusi uyu kuti ane chekuita nerufu rwemwana uyu.

Mary Marange

Mambo Marange vanotsinhira kuti vakazofonera mapurisa mushure mekunge chaunga chevanhu chauya kwavari chichida kuziva chokwadi.

“Ndakanzwa nezverufu rwemwana uyu asi vamwe vagari vemuno vakauya pamba pangu vachindipomera mhosva yekuchengetedza tete vemufi avo vanonzi ndivo vakaita mushandirapamwe namuzvinabhizimusi uyu pakuuraya mwana kuti vaite zvemishonga.

“Ndakanzwa kuti kune zviri kutenderera paWhatsApp zvichinzi ini ndiri munyaya imwe chete navo zvinova zvisiri izvo. Vanhu vaindimanikidza kuti ndishevedze muzvinabhizimusi uyu kudare kwangu asi ndakaramba sezvo ndanga ndisina umbowo,” vanodaro mambo.

“Ndichakwanisa kupindira bedzi panyaya iyi kana mapurisa akatsinhira kuti ine chekuita nehumhondi kana mupari wemhosva achizivikanwa uye panenge pachida nyaya dzekuripirana,” vanodaro Mambo Marange.

Tete vaNoah, Mary Marange, avo vaive pasowe apa panguva yakashaikwa mwana uyu vanoti: “Musi uyu takaenda kumusangano wechechi Noah achibva asiiwa akarara mutende. Patakazodzoka ndipo patakaona kuti akanga asisipo.

“Mushure memazuva ndakazonzwa dzimwe hama dzava kundipomera kuti ndinoziva nezvemunhu akaponda Noah. Ini handina chandinoziva zvachose panyaya iyi,” vanodaro tete ava.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi anoti, “Takanzwa nezvenyaya iyi uye inotirwadza zvikuru kuti mwana akashaikwa ozowanikwa mushure memazuva gumi pasowe rimwe chetero, mutumbi wake watoora. Tinonzwa kuti pana muzvinabhizimusi ari munyaya iyi uye vanhu vari kutotya kutenga zvinhu muchitoro chake.”

Share This:

Sponsored Links