Uncategorized

chitunha chakavigwa chakatsamira us$450

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
chitunha chakavigwa chakatsamira us$450 HAMA dzemushakabvu, Musekiwa Musukwedza Dengu, dzichitaridza guva rake umo munonzi akavigwa neUS$450 yaive mupiro. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
IMWE mhuri yemubhuku raChikukutu, kwaNenguwo kuMarondera, yakaviga mufi nepiro yaiva neUS$450 “cash” ndokuzozviziva apo mari iyi yainge yodiwa pakugovewa kwenhumbi. Nekuda kwenyaya yatendererdza vagari veuku misoro iyi, kusanganisira mambo wavo, hama dzemushakabvu akavigwa akatsamira $450 dziri kuti guva rakavigwa murume uyu ngarifukunurwe mari iyi itorwe.

Nekune rimwe divi mambo weko ari kutsika madziro achiti hazviite, uye guva iri rikangofukunurwa bedzi panenge paitwa chipini chikuru.
Mutumbi wemushakabvu Musekiwa Masukwedza Dengu, uyo akashaya svondo rakapera, ndiwo wakavigwa nemari iyi.

Mabudiro enyaya anoti $450 iyi yainge yasonererwa mupiro umu “sebhanga” nemudzimai waDengu, Mai Sylvia Dengu (45), apo yainge yabviswa nemumwe murume ainge atenga chikochikari kwavari.

Pakavigwa Dengu, piro yaiva nemari iyi yakatorwa nekusaziva ndokutsamiriswa chitunha mubhokisi rakaenda nemufi. Izvi zvakatozozivikanwa pakange pogovewa nhumbi, hama dzikasara dzapera mate mukanwa.

Vemhuri yemufi vakabva varonga kuti guva raDengu rifukunurwe kuti vatore mari iyi asi izvi zvakarambwa naIshe Nenguwo.
Ishe ava, VaCephas Chagaresango (71), vari kuti chipini kuti chitunha chambovigwa chizofukunurwa.
Sekuru vemushakabvu, VaReason Mandaraza (70), vakaudza Kwayedza kuti:

“Muzukuru wangu akafa nekurwara kwenguva refu. Pakunonzi kwaidiwa piro yekutsigira musoro wemufi, pakazonotorwa piro yaiva yakasonererwa mari iyi, US$450. Ndiyo yakaiswa mubhokisi ndokunovigwa nayo nemufi pasina aiziva kuti mupiro iyi maiva nemari.”
Mutumbi wemurume uyu wakavigwa nemusi weChina svondo rakapera zvichireva kuti kwava nesvondo rimwe chete nemazuva chitunha chakatsamira maUS$.

Vanoti mushure mekuziva zvainge zvaitika, vakatsvaga rubatsiro kumapurisa nekwaShe Nenguwo vachida kutiwanira mvumo yekufukunura guva iri asi ishe vakatsika madziro. Izvi zvinonzi zvakatombopa dzimwe hama miyedzo yekuti dai vasina kubvira vatsvaga mvumo kwashe asi kuti vakangobvumirana kuchera guva iri semhuri.

“Ini zvangu sasekuru vemufi, ndaida kuti guva iri rivhurwe, mhuri yake yakasara ikwanise kutora mari iyi voishandisa. Asi sezvo ishe wedu akaramba kuti tidaro, hatina zvatingakwanise kuita,” vakadaro VaMandaraza.

Vanoti dambudziko ravatarisana naro nderekuti kune vanhu vava kuziva kuti mutumbi uyu wakavigwa nemari, nekudaro matsotsi anogona kufukunura guva iri votora mari iyi muchivande.

Mai Dengu, vachiita sevachada kuchema, vakatsinhira vachiti chiitiko ichi chiri kuvashungurudza zvikuru.
“Chokwadi murume wangu akaenda neUS$450. Mari iyi ndini ndakaisonerera mupiro ndichida kuichengetedza, yakanga yabhadharwa kutengwa kwechikochikari. Mari iyi yakabva kuna babamudiki vedu vanova sabhuku muno, VaTitus Chikukutu, sezvo murume wangu aigadzira zvikochikari achitengesa,” vakadaro. Vanoti chikochikari chakabhadharirwa mari iyi chaiva changosara kuiswa ekisero nemavhiri bedzi uye pakubhadharwa kwayo pakange pasara chikwereti cheUS$50.

Vakaenderera mberi vachiti: “Sezvo baba vairwara vari kuchipatara cheChitungwiza vachimboti kumba nekuchipatara, ndakasiya ndasonerera mari iyi mupiro ndokubva ndaisa mapillow case maviri machena kuti ndizoiziva.”

Vanoti murume wavo akazoburitswa muchipatara cheChitungwiza ndokuzoenda kumusha uko akasvikofa usiku hwemusi iwoyo.
“Baba vashaika, takabvisa mutumbi wavo mubhedhuru ndokuisa mumwe mubhedha mudiki muimba yekubikira umo takaisa chitunha. Apa ndipo pakazotorwa piro mubhedhuru ndokunotsigira musoro wechitunha ichi,” vakadaro Mai Dengu. Vanoti piro yaiva nemari iyi yakanotorwa mubhedhuru mavo nemuvakidzani wavo, Mai Feruna Chigwada (54), avo vasina kuziva kuti maiva nemari yakawanda kudai.

Mai Chigwada vakati: “Ini ndini ndakaenda mubhedhuru apo mutumbi wakanga waunzwa muimba yekubikira ndikanotora piro iyi ndichiti ndiyo yaiva yakachena ndokusvikotsigira musoro wemufi. Pakazouya bhokisi mutumbi wakaiswa mukati, piro imwe chete iyi ndokuiswa mukati yakatsamirwa nemuchakabvu.”

Muvakidzani uyu anoti nanhasi uno ari kunzwa kunge ane mhosva nekuda kwenyaya iyi nekuti anoona saiye akakonzera kutsakatika kwemari iyi.
Nyaya iyi yakazobuda ratova rechimangwana racho vaviga mufi apo vehukama vakaunganira kugova nhumbi.

Mai Dengu vanoti panguva iyi, apo pakashevedzerwa kuti kune vaiva vakakweretwa kana kukwereta mushakabvu here. “Sabhuku Chikukutu, VaTitus Chikukutu, vakasimuka ndokuti vainge vabhadhara mari yekutenga chikochikari, US$450. Ini ndakabva ndadavira ndichiti mari iyi ndaiva nayo, iri mubhedhuru mupiro. Ndakasimuka ndokuenda mubhedhuru kuti ndinotora piro iya ndikawana musina.

“Ndakaridza mhere ndikafenda ndaona kuti piro yakanga yavigwa nayo baba ndiyo yaiva nemari iyi. Ndiko kubuda kwazvakaita,” vakadaro Mai Dengu. Vanoti nyaya iyi yakazotaurwa, vamwe vanhu vachiti guva rifukunurwe vamwewo ndokuti zvaitoda mapurisa namambo. Vanhu vakazomhanya kumapurisa ekuMahusekwa uko vakanokwidza nyaya iyi vachida kuti vapihwe mvumo yekufukunura guva iri. Asi izvi zvakanorambwa mapurisa ndokuti endai kwashe venyu nekuti ndezvechivanhu,” vakadaro Mai Dengu. Vanoti mapurisa akati hazvina zvazvinoshamisa nekuti vamwe vanhu vanogona kuvigwa nemidziyo yavo sezvakaitika izvi. “Vanhu vakadzoka kumapurisa ndokubva tasvikoenda kwaShe Nenguwo uko vakasvikoramba nyaya iyi yekuti guva rifukunurwe, vakati hakuna mudunhu mavo munoitwa zvakadai. Ini ndinoda kuzvichenura panyaya iyi nekuti vamwe vanofunga kuti ndakaita chitsotsi ndikaviga mari yemurume wangu. Kana ivo ishe vakati ko guva iri rikafukunurwa mari iyi ikazoshaika zvinoitwa sei. Saka pane kufunga kwakasiyana.”

Mai vemushakabvu, Mbuya Rosina Mona (80), vanoda kuti mutumbi wemwana wavo ufukunurwe, mari iyi yotorwa yoshandiswa mabasa epamusha uyewo kuti muroora wavo achenurwe panyaya iyi. Ishe Nenguwo vakatsinhira nyaya yemhuri iyi ndokuti:
“Vakauya kwandiri vanhu vekwaSabhuku Chikukutu ava vakataura nyaya yavo yekuti vakaviga chitunha neUS$450. Vakati izvi zvakaitika nekusada, itsaona. Ndakavati hazviite kuti vafukunure chitunha kuti vatore mari iyi. “Ndakati vasiye zvakadaro, handiti muridzi wemari akanga aenda nemari yake. Zvakare mudunhu mangu hamufukunurwe munhu anenge avigwa, ndakavabvunza kuti mari iyi ikawanikwa inoshandiswa chii, ingapihwe munhu here iyo yambofushirwa nechitunha kukawana anoitambira?”

Ishe Nenguwo vanoti zvakare vakabvunza Mai Dengu kuti mari iyi ikazoshaikwa zvaizofamba sei asi ivo vaingoshingirira vachiti mari yaivamo muguva nekuti ndivo vakaiisa mupiro.

Zvakadaro, pane mashura anonzi akaitika pakuvigwa kwaDengu apo zvinonzi bhokisi raiva nemutumbi wake rakasvotoka kubva pamuchina wairidzikisa unove weimwe kambani inoviga vafi. Izvi zvinonzi zvakaita kuti bhokisi iri ripotse rapwanyika apo rakanorovera pasi muguva zvine simba.

Nyaya iyi yakatsinhirwa nevehukama avo vanoti ichi chakaita chishamiso chaicho.
“Ndipo patingadai takakahadzika napo. Havaida kuvigwa nemari iyi saka vaitoda kuti bhokisi ripwanyike,” akadaro mumwe akati anoti baba kumushakabvu. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vakati vanoda nguva yekutsvaga zvizere pamusoro penyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links