Uncategorized

Chiurwi: Gomo rinoera -Vanodzingirirwa nezvimhuka nenyoka -Mombe 40 dzakatsakatika zvachose

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Chiurwi: Gomo rinoera -Vanodzingirirwa nezvimhuka nenyoka -Mombe 40 dzakatsakatika zvachose VANHU ava vaive vakamira pamusoro pegomo reChiurwi nguva yadarika. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

VANHU ava vaive vakamira pamusoro pegomo reChiurwi nguva yadarika. - Mifananidzo: Memory Mangombe

VANHU ava vaive vakamira pamusoro pegomo reChiurwi nguva yadarika. – Mifananidzo: Memory Mangombe

Kingstone Mapupu
MUGOMO reChiurwi, iro riri kwaMakuvise kwaShe Nyashanu mudunhu reBuhera, muri kuitika masaramusi anotyisa zvichitevera kudzingiririrwa kunonzi kwakaitwa vamwe vanhu nemhuka nenyoka dzisingazivikanwe rudzi rwadzo nguva pfupi yadarika. Mujinga megomo iri makambogara vaiva varwi vehondo yerusununguko rweZimbabwe vachangobva kuhondo mugore ra1980 apo paiva neAssembly Point yaizivikanwa nekunzi Dzapasi.

Kudzingirirwa kwevanhu nemhuka nenyoka munguva pfupi yadarika handiwo bedzi mashiripiti ari kuitika mugomo iri. Gore rapera bepanhau rino rakaburitsa nyaya yagadhi anochengeta “booster” renharembozha riri mugomo iri, uyo anoti akatandaniswa nechipoko chemunhu chaiva chakapakatira gidi. Muimwe nyaya zvekare, pane mombe dzinonzi dzinonyn’ura mudombo riri mugomo iri.

Mumwe murume ane musha uri padyo negomo iri akambobudazve achiti anogara achizvambaradzwa kurohwa nezvipoko zvinobva muChiurwi.
Sadunhu Makuvise, VaMathius Makuvise (40), vanoti kwemasvondo akatevedzana kubva kumavambo emwedzi waNdira gore rino, vanhu vanga vachitandaniswa nemhuka dzavasingazive mugomo iri pamwe nekuona nyoka huru dzinongomonera mumiti.

“Gomo redu iri rinoyera kubva pasichigare, nyaya idzi dzakambenge dzapera asi kwemasvondo akadarika zvatanga. Vanhu vari kutandaniswa nemazimhuka asingazivikanwe rudzi rwawo.

“Kune nyoka hombe dzemhando dzakasiyana dzisingaonekwi misoro yadzo kana miswe dzinogona kutenderera gomo dzichimonera miti,” vakadaro.

Vanoti mamiriro ezvinhu aya ari kuita kuti vagari venzvimbo iyi vagare vakabatira hana mumawoko.
“Tine chikoro, misha netaundishipi uye vanhu vanoshandisa mugwagwa mukuru unobva kumabhizimisi eChiurwi kuenda kumugwagwa mukuru unobatanidza Murambinda neBirchenough. Vanhu vave kutya kufamba nekuti vamwe vari kuona nyoka idzi, dzimwe dzacho shato, dzakatandika mugwagwa,” vakadaro VaMakuvise.

Kuburikidza nedambudziko iri, Sadunhu Makuvise vanoti vakatomboita bira remazuva maviri vachiedza kuchenura gomo iri.
“Takaita chivanhu ichi ini pachangu ndikatoona imwe yenyoka idzi asi kubva patakaita bira iri tiine masvikiro emuno, zvakambomira,” vakadaro.

Vanoti nguva zhinji mugomo iri mukatanga kuitika masaramusi pane zvinhu zvinenge zvichikanganiswa nevagari vemudunhu ravo.
Mugomo iri munonzi zvakare maimboonekwa nyoka yaiva nemisoro miviri asi yaionekwa neverudzi rwekwaNyashanu bedzi.

“Mugomo iri makavigwa madzitateguru ekwaNyashanu, hamurotomokwe mashoko akaipa akafanana nekunyadzisira kana kutuka,” vakadaro Sadunhu Makuvise.

Mugomo iri ndimo mune “booster” reNetOne uye munonzi makanyn’ura mombe 40 padombo ririmo makore adarika.

Share This:

Sponsored Links