Chivandire otungamira Zru

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Chivandire otungamira Zru

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Rugby Union svondo rino rakazivisa kuti rakagadza Brighton Chivandire pachigaro chadirector rinova basa raanotarisirwa kutanga musi wa1 Mbudzi.
Chinyorwa chakatumirwa kubva kusangano iri chinoti Chivandire achatsiva Liam Middleton uyo ari kusiya basa achienda kuCanada uko achanorairidza chikwata cheSevens. Chivandire anonyanya kuzivikanwa nekurairidza kwaakaita chikwata cheZim U19 pamwe necheU20 kubva mugore ra2007 kusvika 2012 uye akakwanisa kuhwina mikombe yakawanda nezvikwata izvi.

Mubasa rake idzva iri, Chivandire anotarisirwa kusimudzira mutambo werugby zvakasimba pamwe nekushanda nevarairidzi vakawanda vemutambo uyu achivapa ruzivo rwakakodzera.

Mutungamiri weZRU, John Falkenberg, anoti ari kufara kuwana mukana wekushanda naChivandire.
“Tinogamuchira Bright muZRU mubasa rake idzva iri uye tiri kutarisira zvikuru kushanda naye mukusimudzira mutambo werugby muZimbabwe. Ane ruzivo rwakakura rwemutambo uyu uye ini ndakamboshanda naye kare saka ndinoziva kuti munhu akaita sei, ndinoyemura mashandiro ake.

“ZRU ichabudirira chaizvo kuburikidza naye saka ngatibatanei timutsigire mubasa rake idzva iri,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>