Uncategorized

‘Chokwadi chabuda pachena’

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Chokwadi chabuda pachena’ Madzibaba Steven

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VOTAURA nezvenyaya yevanhu vekuGokwe avo vainge vambovati miteuro yavo yava zvidhoma, Madzibaba Steven vanoti mhuri iyi yakavasvibisa zita ravo.

“Ndakavaudza kuti mukoma wavo uyu akaromba, iye akaramba. Ndikavati chokwadi chichabuda pachena nemhiko dzangu dze’go back to sender’ nehoko chiororo.

“Vakazouya kwamuri (Kwayedza), imi mukauyawo kwandiri ndikakuudzai chokwadi. Zvino ndinoda kuti vauye kwandiri vachitaura chokwadi kuti ndivo varoyi kwete ini. Ndinovabatsira topisa zvinhu zvavo nezvidhoma zvavakapihwa kuZambia.  Imiwo veKwayedza mandivavarira, fanika iwewe Mapupu wakambotanga neyekuti Madzibaba Steven vanokiya vanhu, nanhasi uneni chete. Hazvinei hazvo, ibasa rako inga mapurisa vanosunga vanhu wani,” vanodaro. Madzibaba Steven vanoti havana kuenda kudare raMambo Chireya uye pasamanisi rakaunzwa kwavari, vakataura kuti vaisauya.

“Vanhu ivava pavakaridza nhare kwandiri, ndakavati vatange vaenda kuKwayedza vonobvisa mashoko avo ekundisvibisa vozouya kwandiri vachidura kuti ndivo varoyi kwete ini madzibaba. Nyika yose ini ndinonzi muroyi nekuda kwevanhu vandaida kubatsira vachiramba chokwadi. Paanouya kwandiri ndichada kuti aunganidze dzinza rake rose totangirisa ipapo,” vanodaro.  Vanoti havambofa vakaripisa vanhu ava kunze kwekutaura chokwadi chavo chete.

“Ndinoziva kuti pandichaenda navo kwaMambo Chireya vachada kuvaripisa, ndini ndichavakumbirira kuna mambo ava kuti vasiiwe,” vanodaro.

Muporofita uyu anoti paakanzwa nezvedare rekwamambo, akavati “endererai mberi, inini handiko asi ndiriko.”

Pavakataurwa navo kekutanga pakabuda nyaya iyi, Madzibaba Steven vakaramba kuti muroyi asi kuti vakangodzosera zvinhu kumuridzi wazvo, ndokuvimbisa kuti vachatoita kuti minana iri kuonekwa nevemhuri iyi iwedzere kusvikira akaromba abuda pachena.

Share This:

Sponsored Links