Cholera nehiv

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Cholera nehiv

Kwayedza

VANHU vanosvika 1,6 miriyoni muZimbabwe vari kurarama neutachiona hweHIV.

Nyika ino parizvino iri kushungurudzwa nechirwere checholera uye vanorarama neHIV pamwe nevabatsiri vavo vanofanira kuzvidzivirira kubva kucholera sezvo inogona kukanganisa utano hwavo nekuita kuti masoja anorwisa zvirwere ashaye simba.

Zviratidzo zvecholera zvinosanganisira:

l Manyoka (diarrhea) – manyoka echolera anouya nekuchimbidza uye anogona kukonzera kuti muviri urasikirwe nemvura inosvika rita rimwe paawa rimwe.

Manyoka aya ruvara rwawo akada kufanana nemvura inenge yagezeswa mupunga.

l Kunzwa kusvotwa nekurutsa – izvi zvinowanzoitika apo cholera inenge ichangotanga uye kurutsa kunogona kuitika kwenguva yakareba.

l Kupera mvura mumuviri – Izvi zvinogona kuitika maawa mashoma-shoma zviratidzo zvecholera zvatanga.

Zviratidzo zvekuti mumuviri hamusisina mvura zvinosanganisira kuoma kwemuromo, maziso anonyura mukati uye kunzwa nyota zvakadarikidza.

Kurasikirwa nemvura yemumuviri kunokonzera kuti munhu arasikirwewo nemaminerals emuropa (electrolytes) ayo anoenzanisa mvura inenge iri mumuviri.

Izvi zvinoitawo kuti munhu arasikirwe nezvimwe zvinodiwa zvakakosha mumuviri zvakadai sechloride nepotassium.

Zviratidzo zvecholera kuvana:

Kazhinji vana vanenge vaine cholera vanoita zviratidzo zvakangofanana nezvevanhu vakuru asi vanogona kushaya shuga mumuviri mazvo zvinoita kuti vaite zvinotevera:

l kusanyatsoziva zvavari

l kufenda (coma)

Zvinotevera ndizvo zvinofanira kuitwa nevari kurarama neHIV:

· Kana uri kurarama neutachiona hweHIV uye uchinwa maARV ukapinzwa muchipatara nekuda kwecholera unofanira kuramba uchinwa mapiritsi ako.

l Vabatsiri vemudzimba (Home Based Care (HBC) vanofanira kungwarira nyaya dzehutsanana.

l Ona kuti unoramba uchiwana kudya kunovaka muviri apo unenge uchirapwa cholera.

l Hapanai chikonzero chekuti vanorarama neutachiona hweHIV vange vachiiswa kwavo voga muchipatara sezvo kuita kwakadai iri inzira yerusarura.

l Kana mubatsiri wekumba (HBC) achinge apinda muchipatara nehurwere, panofanirwa kutsvagwa anomutsiva nechimbi-chimbi kuitira kuti vanorarama neutachiona hweHIV varambe vachiwana rubatsiro.

l Geza maoko ako nesipo usati wadya neapo paunenge wabata chikafu.

Share This:

Sponsored Links