Uncategorized

College Press yorwisa cholera

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
College Press yorwisa cholera Managing director weCollege Press, Muzvare Natsai Gurupira, vachipa matangi emvura kuna VaCloud Nyambuya

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KAMBANI huru mukudhinda mabhuku ekuverenga, yeCollege Press, svondo rapera yakapa zvikoro zviri kuGlen View neBudiriro, muHarare, matangi anosvika 85 ekusiira mvura nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka checholera.
Cholera – iyo yakatangira mumisha yemuHarare iyi isati yatekeshera kumamwe matunhu enyika – yainge yauraya vanhu vanosvika 49 kusvika svondo rapera.
Vachitenda rubatsiro urwu, VaCloud Nyambuya vanove District Schools Inspector (DSI) vedunhu reGlen View-Mufakose, vanoti ruyamuro urwu rwauya panguva yakakodzera.
“Ndinotenda zvikuru nerubatsiro rwatawana kubva kuCollege Press. Iyi ikambani yatinoziva ichidhinda mabhuku anoshandiswa muzvikoro zvedu, asi vasarudza kutambanudza ruwoko rwavo nekutipa rubatsiro rwematangi emvura aya senzira yekuderedza kuparadzirwa kwecholera.
“Huwandu hwematangi aya hunoratidza kuti College Press ine chishuwo chekuti Glen View neBudiriro dzive nzvimbo dzakashambidzika nekuti matangi iwaya anokwana zvikoro zvose zvemuno, kusanganisira nemakoreji akazvimirira.
“Rutsigiro rwakadai mucherechedzo wekuti vemakambani havangofungi nezvemabhizinesi avo chete, asi kuti vane utano neupenyu hwevanhu pamoyo pavo. Ndinongokurudzira vapihwa matangi aya kuti vaashandise nemazvo kwete kuzoaita avo asi kuti ashande mukubatsira zvikoro pamwe chete nevana,” vanodaro VaNyambuya.
Mukuru weSales and Marketing kuCollege Press, VaSamuel Ndanga, vanoti kambani yavo yaona zvakakodzera kupa rubatsiro urwu sezvo Glen View neBudiriro kuri iko kwakanyanya kuwirwa nedambudziko recholera.
“Matangi aya tapa zvikoro zvekuno kuti vakwanise kuchengetedza mvura yekushandisa uye kunwa mvura yakachena sezvo cholera ichiparadzirwa kunyanya nekushandisa mvura kana chikafu chisina kuchena. Utano kuvana vechikoro pamwe nevarairidzi vacho hwakatikoshera nekuti ndiko kunouya mabhuku atinodhinda.
“Mudzidzisi kana mwana wechikoro anokwanisa kuverenga bhuku kana aine utano hwakakwana.
“Tinovimba kuti rubatsiro rwatapa urwu ruchava chimwe chezvikonzero zvekupera kwedambudziko recholera kuno kuGlen View,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links