College Press yotsigira ‘New Curriculum’

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
College Press yotsigira ‘New Curriculum’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
KAMBANI ine mukurumbira mukudhinda mabhuku yeCollege Press Publishers inoti iri kufambirana neNew Curriculum kuburikidza nekutsikisa mabhuku anoenderana nezvidzidzo zviri mugwaro idzva refundo iri.

Mashoko aya akataurwa nemukuru anoona nezvekutengeswa nekushambadzwa (head of sales and marketing) kuCollege Press, VaSam Ndanga, pagungano reZimbabwe International Book Fair (ZIBF) apo vakasangana nevakuru vezvikoro nevanyori vemabhuku muHarare nguva pfupi yadarika.

“Kubva pakaparurwa New Curriculum kusvika pari zvino, tadhinda mabhuku anosvika makumi matanhatu nerimwe anobvira paECD kusvika kuForm 1, ayo anofambirana negwaro idzva iri. Izvi tiri kuzviita takabatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari pamwe nevakuru vezvikoro kuitira kuti tidhindise mabhuku asingazorasisi vana pakuverenga kwavo vava kugadzirira bvunzo. Hatisi kungogumira pane atakadhindisa aya asi kuti tiri mubishi kudhindisa mabhuku emamwe magwaro,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Izvi tiri kuzviitira kuti vana vechikoro vasatenga mabhuku emukoto sezvo mazhinji acho anenge asinganyatsoverengeka uye asiriwo anenge achidiwa muzvikoro.

“Mabhuku atinodhindisa zvakare anenge akaongororwa kuti anoita here zvasiyana nemamwe anotengeswa zvisiri pamutemo akagadzirwa zvechikiribidi.”

VaNdanga vanoti vari kubatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti rikurudzire vakuru vezvikoro nevadzidzisi vatenge mabhuku akadhindwa zviri pamutemo.

“Kutenga bhuku rakagadzirirwa mumukoto kuuraya munyori webhuku iroro nekuti ari kutengesera pamugwagwa anenge ari kutengesa zvekuba. Vanyori vemabhuku vanotarisirawo kuwana cheuviri kubva kune zvinyorwa zvavo. Dai zvakwanisika vadzidzisi vakurudzirwa kutenga mabhuku ari kutengeswa zviri pamutemo, zvinobatsirawo vananyanduri nevanyori.

“Huwandu hwevanhu vapinda mumusangano wedu – vanyori nevakuru vezvikoro – hunoratidza kuti pachine tarisiro yakanyanya yekuti vana vechikoro vanogona kuwedzera tsika yekuda kuramba vachiverenga mabhuku akasiyana-siyana,” vanodaro.

VaNdanga vanoti kambani yavo ine hurongwa hwekutengesa mabhuku ainodhinda padandemutande zvinova zvinoenderana nechizvino-zvino.

Share This:

Sponsored Links