Cotton Marketing Board yodzoka

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Cotton Marketing Board yodzoka CDE Joseph Made

Kwayedza

CDE Joseph Made

CDE Joseph Made

GURUKOTA rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro Cde Joseph Made vanoti hurumende iri mushishi yekuumbiridza bhodhi reCotton Marketing Board iro richange richizoona nezvemitengo yedonje zvichitevera kuchema-chema kwevarimi nekuda kwekudzikira kwemutengo wechirimwa ichi.

Vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weGokwe mudare iri, Cde Dorothy Mangami.

Cde Mangami vaida kuziva nguva yakatarwa iyo makambani anotenga donje anosungirwa kuzivisa varimi mutengo mutsva wedonje.
Cde Made vakati vakange vachizviziva kuti varimi vari kutsutsumwa nemutengo wedonje vachiti wakaderera zvikuru uye nekune rimwe rutivi, makambani anotenga chirimwa ichi achiti haasiriwo anotara mutengo uyu asi kuti unenge uri wepasi rose.

“Ndinofara kuti muzive kuti nhau iyi yakataurwa zvakare mudare reCabinet. Zvinondipa mukana wekuti ndizivise kudare reParamende pamwe nekune veruzhinji kuti Cabinet yakanditi ndione zvekuita nekuchimbidza kuti bhodhi reCotton Marketing Board ravepo zvakare.
“Sekuudzwa kwandakaitwa ndiri kushanda saizvozvo,” vakadaro.

Cde Made vakati dare reCabinet rakaona kuti kana varimi vakangosiiwa vachipihwa mitengo nemakambani anotenga donje zvinhu zvicharamba zvakavaomera.

Vachipindura mumwe mubvunzo wemumiriri weMusikavanhu mudare iri, VaProsper Mutseyami, Cde Made, vakati zvakange zvakakosha kuti varimi vanenge varima pasi pechibvumirano chemakondirakiti vazadzise zvavanenge vawirirana nemakambani anenge avabatsira nezvekurima.

VaMutseyami vaida kuziva matanho achatorwa nehurumende mukuona kuti varimi vanenge varima kuburikidza nemakondirakiti havazobatirirwa pamitengo nemakambani anenge avapa zvikwereti.

“Uyu mubvunzo wakanaka asi ndinoda kuti nditi kondirakiti ikondirakiti. Ndinofanira kutaura chokwadi ndichiti kana uchinge wasaina kondirakiti, unosungirwa kunge uchisadzikisa kondirakiti iyoyo. Zvisina kunaka ndezvekuzosanduka-sanduka, kungave kuchiitwa nevarimi kana makambani anopa makondirakiti,” vakadaro Cde Made.

Vakati hurumende ichange ichitarisa zvakare kuti donje ringavandudzwe sei kuitira kuti risangotengeswa risati ragadzirwa chete.
Vakati chikuru chinodiwa ndechekuti varimi vawane pundutso mukurima kwavo donje.

Zvakadaro, varimi vari kuti mutengo mutsva wedonje weUS$0,65 pakg, uyo wakatarwa nguva pfupi yadarika neCotton Ginners Association nemamwe masangano, uri pasi zvikuru sezvo vachida kuti utangire paUS$1 pakg zvichienda mberi.

Share This:

Sponsored Links