Uncategorized

Courage ofemeswa nemudzimai

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Arnold Kaseke
ZITA rekuti Courage, iro rinoreva kuve nehushingi, rakashaya basa kune mumwe murume uyo anoti aigara achirohwa kusvikira adzingwa pamba nemukadzi wake.
Courage Mugande akaendesa mukadzi wake, Rutendo Musanhi, kudare Harare Civil Court achiti akamudzinga pamba pamwe chete nevana vake vaakaita nemumwe mukadzi uye anogara achimushungurudza.

Kubva pandakaregera kushanda ave kundibata nekuseri kweruwoko.Akatondidzinga kumba, haatodi kuti ndione vana vangu vatatu vandakaita naye. Akandirova ndokuzodzinga inini wacho pamba. Iye zvino ndave kutogara muchitoro changu. Anogara achinditumira mameseji ezvinyadzi achindituka paWhatsApp. Ndibatsireiwo nekuti mukadzi andishungurudza,” akadaro Mugande.

Musanhi akati zvose zvakataurwa naMungande manyepo.
“Nyaya iri kunetsa apa ndeye kuti haasi kunzwisisa kuti vana vake handichakwanise kuvachengeta. Vana vake ndini ndaivabhadharira mari dzechikoro makore ose aya asi iye zvino handichakwanise. Handina kumbodzinga munhu pamba ini. Munin’ina waamai vevana ava anogara kuUnited Kingdom akabvuma kupota achivapawo mari dzechikoro.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akati vaviri ava vagarisane murunyararo uye vana vacharamba vachigara pamba asi vachitumirwa mari yechikoro kubva kuna amainini vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>