Tyson Fury oda kurwa naChisora

16 Dec, 2013 - 16:12 0 Views
Tyson Fury oda kurwa naChisora

Kwayedza

TYSON Fury, uyo akanga amboenda pamudyandigere oda kudzoka achida kurwa kekupedzesera apo anoti anoda kurwa neshasha yetsiva, Dereck Chisora, uyo anova chizvarwa cheZimbabwe asi achigara kuUnited Kindgom.

Fury akati akasiya mutambo uyu zvachose asi anoda kupedza mberi yaChisora uyo ari kuzvirova dundundu uye vaviri ava vanotarisirwa kunge vachirwa musi wa26 Chikunguru.

Nekune rimwe divi, Chisora ari kuti hapana achakwanisa kupedza mbiri yake uye anoda zvakare kurwa naWladimir Klitschko muna Gumiguru apo achange achirangarira shasha yetsiva, Muhammad Ali.

Chisora anoti change chiri chisuwo chake zvakare kurwa naFury.

Musi weChitatu chadarika, Frank Warren akati hurongwa hwemutambo uyu hwakange hwave padanho repamusoro.

Mick Hennessy anova puromota waFury akati mutambo uyu uchaitwa katatu sechibvumirano chaFury naChisora.

Chisora, uyo akaita mbiri gore radarika, anoti kuti mukurumbira wake urambe uchienderera mberi ane chishuwo chekurwa naWladimir Klitschko gore rino.

Pari zvino Chisora ndiye ane mukurumbira kuEurope panyaya dzemutambo wetsiva. — Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey