‘Dadai netsika, rurimi rwaamai’

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Dadai netsika, rurimi rwaamai’ Chikutu-Makandire

Kwayedza

Daphne Machiri
MUNYORI wemabhuku ari kusimukira uye zvakare nyanduri, Luckson Chezhira Chikutu-Makandire, anoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidade nerurimi rwaamai pamwe netsika nemagariro evanhu vatema.

Muhurukuro neKwayedza, Chikutu-Makandire – uyo anove mutambi wemadhirama nemafirimu zvakare ari mutungamiriri wesangano reZimbabwe Traditional Unity (ZIMTU) – anoti chinangwa chavo kusimudzira mitauro yerurimi rwaamai.

“Tinoshanya kunyika dzakasiyana nechikwata changu tichiita zvirongwa zvekudzidzisana mitauro netsika nemagariro (cultural exchange programmes). Dzimwe dzenyika dzatinoshanyira dzinosanganisira United States of America, Sweden neFinland.

“Kwese uku tinoenda tichiita mitambo nerurimi rwamai,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti veruzhinji havafanire kutarisira mutauro werurimi rwaamai pasi.

“Ndinodada nerurimi rwamai nekudaro zvakakosha kuti vechidiki vange vachirwudzidziswa zvakadzama,” anodaro.

Chikutu-Makandire anoti anoshamiswa apo anoenda kune dzimwe nyika achiona zvizvarwa zveko zvichiyemura mitauro yakaita seShona kana Ndebele, iyo inotarisirwa pasi nevamwe muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>