Danga risina mombe hariite manyowa

13 Dec, 2014 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa
PANE charirova zizi harife nemhepo, uye Bhaibheri rinoti, “Vanotya, vanotiza nyangwe pasina ari kuvatandanisa.” Ndakatukwa nehama dzangu dziri kugara mhiri kwemakungwa. Chavakanga vachinditukira inyaya yekuti ndakataurirei kuti mavhidhiyo avo avari kugadzira pamwe chete nevamwe vavo vari muno muZimbabwe avanenge vachiti “zviri kufaya” anoratidza kushaya njere nehunhu.

Mumavhidhiyo aya, vanhu vanenge vachionererwa vachivhairirana kuti zvinhu zvavo zviri kufaya. Kana zvichifaya hautaure sezvakarehwa naSystem Tazvida kuti vagere mushe mushe tinovaziva, havafambe vachizvitatan’yadza.

Ndakanzi zvemavhidhiyo ekuti zviri kufaya ndisazvitore “serious” nekuti vanhu vacho vanenge vachingotamba havo. Aah, kutamba nhai? Kutamba kwacho hakunakidze, asi kunoratidza kuti pane chisina kumira mushe muhunhu hwedu.

Uye, chokwadi chaicho ndechekuti vanhu vari kungovhairirana, asi hapana chiri kufaya ikoko kana kuno kwacho.

Kuno vanhu vazhinji vari kukwangwaya uye vari kuvharana mari dzezvikwereti zvisingaite. Ukowo mhiri kwemakungwa vana vevhu dzave hoto dzinongopeperetswa nemhepo dzichingotevera nevakananga mudondo.

Hunhu chaihwo hwevazhinji vakabva kuZimbabwe vari vanhu hwakaenda semvura yekanzuru yeHarare. Ichokwadi kusina mai hakuendwe.

Ikoko mhiri kwemakungwa uko, vazhinji vafanana netsindi inofamba yakasimudza muswe asi dundundu riri mudova.

Ndakanzwa kushatirwa pamwe chete nekunyara kuti mune imwe yemavhidhiyo iwaya anoti zviri kufaya, vanhu vedu vari kubuda vachivhaira nekudya nyama nekunwa majuice. Chokwadi kutonyatsoshinga kuti uri kuda kuratidza vanhu kuti tiri kudya nyama! Ndizvo zvinhu zvinotishoresa sevanhu vatema izvozvo. Tinoita kunge tine dzisina kukwana. Zvinoita kuti varungu vatiseke nekuti kubva kare taingosekwa sevanhu vatema kuti hatifunge, tinokara uye hatina chinangwa muhupenyu. Vanoita kuti nyaya dzakaita senyaya yaZuze dziite sedzechokwadi.

Zuze akadya chingwa chemurungu wake, asingazive kuti murungu anonyora pasi chingwa chaanenge apa Zuze. Murungu paakazobvunza Zuze kuti chingwa chakanga chakashota nei, Zuze akashamisika nekuti paakadya chingwa murungu akanga asipo.

Saka akabvunza murungu kuti wazviziva sei kuti ndadya chingwa? Zvikanzi ndaudzwa nebepa iri. Zuze akakumbira bepa riye, achibva aenda panze akanotora shamhu ndokutanga kurova bepa achiti, “Taura sezvawaita pawaudza murungu kuti ndadya chingwa kuseri kwechuru, taura!”

Nyaya iripo ndeyekuratidza kuti munhu mutema akapusa, anokara asi murungu ndiye akangwara nekurongeka.

Imwe vhidhiyo yezviri kufaya ndeyekamukomana kekuno kuZimbabwe kanobuda kachishambadza kuti kari kudanana nemurungu.

Muvhidhiyo iyi, kamukomana aka kanenge kachidhiraivha mota, musikana wechirungu akagara parutivi. Kamukomana kaye kanobva kati:

“Zviri kufaya kuno kuEurope. Tiri kuenda ku . . . (anombondandama kuratidza kusaziva kwaari) . . .
Tiri kugara kuHolland. Tiri kuenda kuGermany, nhasi tiri kuBelgium. Zviri kufaya! Imi munongoti zviri kufaya, zviri kufaya kuZimbabwe. Aka kabhebhi kangu aka. Kamusinaka kechirungu kaye kanobva kati, zviri kufayaaaa. Mukomana uye obva ati, “Kamuvheti! Ndakakajumha.”

Kamusikana kaye kanobva katevedzerawo koti, “Ndakakajumha-jumha” mukomana wacho obva ati, “Kamubhoyi.” Manyemwe ese aya anobva pakuti varungu vakatidzidzisa kuti ivo ndivo rudzi rwunoshamisa zvikuru, rwuri pamusoro pemunhu mutema. Mukomana uyu paari kuti, “ndakakajumha” anozviziva kuti gudo razokwirawo ndege.

Zvimwe zvinhu zvinonyadzisa imi muchifunga kuti kushamisira. Kuratidza musikana wako wechirungu wawakajumha hakusi kubudirira. Nyangwe mukati kutamba, matambiro enyu anosembura.

 

Share This:

Sponsored Links