Dauda orongera ramangwana

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Dauda orongera ramangwana

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUTAMBI wenhabvu weYadah Stars nemaWarriors – Dennis Dauda – anoti zvakakosha kuti vatambi vagadzirire ramangwana ravo kuburikidza nekutanga mabhindauko akasiyana.

Dauda anoti akatotanga kuita zvemabhizimisi ekuzviraramisa iye pamwe nemhuri yake.

“Chokwadi hupenyu hwemutambi wenhabvu hudiki chaizvo uye hunoda kurongerwa nekuti ukaita zvekutamba mangwana vanhu vanokuseka usisina chekubata.

“Vanhu vanokurumbidza nekukupembedza uchitamba nhabvu, mangwana ndivo vanenge vave kukuseka wave kukanga waya saka ini ndatanganisa bhizimisi rangu rekutengesa zvinhu zvakasiyana zvemumba, zvekudya uye negas,” anodaro Dauda.

Anoti mutungamiriri weYadah Stars, Prophet Walter Magaya, ndivo mumwe wevamwe vanogara vachikurudzira vatambi vechikwata ichi kuti vatsvage mabhindauko avanoita kunze kwekutamba nhabvu.

“Bhizimisi harisati rakura haro richiri kutanga asi zviri kudzora, ndiri kuwana pundutso muhupenyu hwangu. Mari yandiri kuwana kubhizimisi neyekunhabvu yave kubatsira kuti mhuri yangu iwane zvese zvainoda nezvainoshuvira.

“Tarisiro yangu kuti gore rinotevera ndinge ndave nemabhizimisi akakura kudarika randatanga naro iri. Ndinotenda chaizvo Prophet Magaya baba vangu nekurudziro yavakandipa, ndiri kuona shanduko muhupenyu hwangu,” anodaro Dauda.

Zvakadai, mutambi wenhabvu kana akasarongeka uye kugadzirira remangwana rake zvinogona kuzomuomera ave kukundikana kuzviraramisa sezvakange zvave kuitika kuna David Mkandawire uyo akange ave kurarama hupenyu hunonzwisa tsitsi ari kuSouth Africa achipemha zvekudya.

Mkandawire akatambira zvikwata zvakaita seAmazulu kuSouth Africa zvekuti vanhu vaitarisira kumuona achirarama hupenyu hwepamusoro asi handizvo zvakazoitika.

“Kurongeka kunodiwa, isu tinotambira nhabvu muno mari yatinotambira yakasiyana neinotambirwa nevari kunze kwenyika saka zvakakosha kuti tizvirongere ramangwana redu kuti tisasvika pakuita hupenyu hwakadaro hunopisa tsitsi.

“Unofarirwa uchitamba nhabvu asi mangwana unenge wave kusekwa wave kukanga waya,” anodaro Dauda.

Mutambi uyu akaenda kuYadah Stars pakati pemwaka zvichitevera kubva kwaakaita kuCAPS UNITED uye mumwe wevari kutarisirwa kubatsira chikatwa ichi mukurwira mikombe yakasiyana mwaka uno.

Svondo radarika, Yadah Stars yakakunda Hwange FC 1-0 zvakaita kuti ifambire mberi mumutambo weChibuku Super Cup uyo ichasangana neChicken Inn svondo rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey