David Livingstone yopembedzwa

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

VANA vepaDavid Livingstone Primary School, muHarare, avo vakakunda vamwe muzvidzidzo pamwe nezvimwe zvakaita semitambo svondo rapera vakapembedzwa nekupihwa mibairo yakasiyana.

Mibairo iyi yaisanganisira mikombe, macheya, matafura, mabhuku, mari nezvimwe izvo zvakabva kuvabereki, kuburikidza nesangano reSchool Development Association nevemabhizimusi.

Vachitaura pazuva remhemberero idzi, vaive muenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, mutevedzeri wemukuru wezvedzidzo mudunhu reHarare, Mai Joyce Maphosa, vakatenda vabereki nekutsigira chikoro ichi.

“Gore rapera, chikoro chino chakatora nhamba yepiri muHarare mukupasa pabvunzo apo vadzidzi 31 vakabuda ne4 Units paGrade 7 uye chikamu chavo chekupasa chakange chave pedyo nekupinda mu100%. Chikoro chino chakange chichitevera Glen View 9 Primary iyo yakanga iine vadzidzi 34 vaive nemaUnits 4.

“Zvese izvi zvinobva kurutsigiro rwevabereki apo vanobatsira mukusimudzira zvivakwa, kutenga mabhuku nekubhadhara fizi nenguva zvinova zvinoita kuti vana vadzidze pasina zvibingaidzo,” vakadaro Mai Maphosa.

Vakakurudzira zvikoro kuti zvifundise vana zvidzidzo zvakadai sekurima, kubika nemakombiyuta vachiti zvinoita kuti vange vachiwaniswa ruzivo rwunovabatsira mune remangwana.

Mai Maphosa vakavewo nemukana wekuvhura zviri pamutemo kamuri yakavakwa itsva yemupande weECD, motokari yechikoro iyo yakatengwa neSDA pamwe netennis court.

Mukuru wechikoro ichi, VaNewton Ndhlela, vakakurudzira vabereki kuti vabhadhare mari yechikoro nenguva. “Zvakakosha kuti vabereki mubhadharire vana venyu mari dzechikoro nenguva uye kune avo vanenge vasina tinogara pasi toronga nzira dzamungaite mukubhadhara mari idzodzo pashoma-pashoma nekuti zvinobatsira mwana kuti ange achibata nevamwe muzvidzidzo yake. Kana pazvidzidzo zvekumba tinoda zvikuru kuti mubatsire vana pamwe nekuti vange vachipinda munyaya dzemitambo yakasiyana yatinoita pachikoro pano,” vakadaro VaNdhlela.

Vakati chikoro chavo chine vadzidzi 2 163, vakomana vari 1 042 nevasikana 1121 uye nevarairidzi 55.

“Nehuwandu hwevana uhwu, takaona zvakakosha kuti tinge tichivapatsanura zvichiendarana nezvidzidzo zvavo sekuti ECD kusvika Grade 2 mumupande wavo apo veGrade 3 kusvika 7 vari kwavowo.

“Tiri kuvaka mamwe makamuri echikoro kuitira kuti vadzidze vakasununguka,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>