Uncategorized

Death certificate remunhu mupenyu

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuChinhoyi
MUKADZI wekuTrelawney anonzi akatsotsa kambani yeNational Social Security Authority (Nssa) achinyepa kuti murume wacake akange afa zvakaita kuti apihwe $300 semari yefuneral grant.

Netty Karichoro (56) anogara papurazi reSquatodzi akamiswa mudare reZvimba Magistrate Court nekuda kwenyaya iyi uyea haana kuramba mhosva yake apo akabvunzurudzwa nemutongi Christine Ndoro.

Muchuchusi Tendai Tapi anoudza dare kuti Karichoro akaenda kumahofisi eNssa muChinhoyi nedeath certificate remurume wake uyo anonzi Shorty Kachero achinyepa kuti ainge afa.

Dare richiri kuferefeta kuti Karichoro akazvifambisa sei kuti awane death certificate remurume wake iye achiri mupenyu.

“Musi wa27 Nyamavhuvhu, Karichoro akapihwa $300 yechema nekambani yeNssa muChinhoyi setsika yavo kuti kana munhu anenge achibhadhara mari yeNssa achinge afa, mudzimai kana kuti mhuri yake inopihwa mari yefuneral grant,’’ anodaro muchuchisi Tapi.

Anoenderera mberi achiti, “Asi chokwadi chakazobuda pachena kuti murume wake akange asina kufa.’’

Gure iri rinonzi rakazobuda pachena mushure mokunge Kachero aita mahwekwe nedeath certificate rakanyorwa zita rake mumba ndokukatyamadzwa nazvo.

Kachero anonzi akaedza kubvunzisisa mudzimai wake nezvenyaya iyi asi haana mhinduro izere yaakawana.

Zvinonzi mukutaura nyaya iyi kubhawa nevamwe vake, Kachero akatozoudzwa kuti mudzimai wake ane shamwari yake yaaive akaudza kuti ndizvo zvaive zvaiitika.

Vamwe vagari vemunharaunda iyi vanonzi vakazoudza vakuru veNssa kuChinhoyi avo vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Karichoro azosungwa.

Thomson Chaita (45) anogara panhamba 7715 Chiwaridzo 2, kuBindura, anova mushandi weNssa saSenior Benefits Investigator ndiye aive akamiririra kambani iyi mudare.

Share This:

Sponsored Links