Uncategorized

Delta yovaka zvikoro

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Delta yovaka zvikoro

Kwayedza

. . . nekupa vana mabhezari

KAMBANI inogadzira zvinwiwa, yeDelta Corporation, iri kubatsira pakusimudzira dzidzo kumativi mana eZimbabwe kuburikidza nekuvaka zvikoro pamwe nekubatsira vana vanotambura nekuvapa mabhezari ekuti vafunde kubva padanho reA-Level kusvika kuyunivhesiti.

Mai Patricia Murambinda, vanova corporate affairs executive kuDelta, vanoti vari kuvaka makamuri ekudzidzira muzvikoro pasi pechirongwa chavo cheDelta Schools Infrastructure Programme.

“Tine nharaunda dzatakataura nadzo tikawirirana kuti tichadzivakira makamuri evana ekufundira pazvikoro zviviri kana chimwe chete pagore. Chirongwa ichi chichaenderera mberi kwemakore gumi kumatunhu ose gumi eZimbabwe.

“Tichashanda nevabereki vemunharaunda vachibatsira mukukanya zvidhinha nekuchera mvura kuitira kuti vave nechido nezvivakwa zvatiri kuvavakira,” vanodaro.

Vanoti gore rino, vane mabasa maviri avakatotanga kuita paMucklenuck Primary School iri kuBinga, kuMatabeleland North, nepaFairview Primary School, kudunhu reMatabeleland South.

“Tiri kuvaka zvakare mamwe makamuri evana paChihambakwe Primary, kuMasvingo, uyo tiri kutarisira kupedza gore rinouya. Mudunhu reMidlands, tichiri kusarudza chikoro chatichavaka uye zvose zvatichavaka zvinokosha $160 000,” vanodaro Mai Murambinda.

“Kambani yedu ine chirongwa zvakare chekupa mabhezari pasi pehomwe ye$200 000 pagore yekutsigira vana vanotambura kuti vaite dzidzo yeA-Level neyeyunivhesiti. Tinotora vana 60 pasi pechirongwa ichi,” vanodaro.

Kambani yeDelta ine mukurumbira pakugadzira doro remumabhodhoro, remasese nezvinwiwa uye ine vashandi vanodarika 4 000 munyika yose.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>