Demichelis osendeka shangu

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Demichelis  osendeka shangu

Kwayedza

MUTAMBI weMalaga, Martin Demichelis (36), akazivisa kuti ave kusendeka shangu dzake dzenhabvu. Demichelis – uyo anove chizvarwa chekuArgentina – akataura nevatori venhau svondo rino nemusi weMuvhuro apo akazivisa kuti ave kusiya mutambo uyo waatamba kwemakore anodarika 17.

Muchinda uyu akatamba maminitsi 12 ekupedzisira musi weSvondo apo chikwata chake chakaita mangange 2-2 neReal Sociedad.

Achawaniswa mukana wekuonekana nevatsigiri vechikwata chake apo chichatamba neReal Madrid kuLa Rosaleda.

“Ndinovimba kuti ndichataura zviri kubva pamoyo wangu chaiwo. Iri izuva rinouya kwatiri tose uye razosvika kwandiri, kupera kwekutamba kwangu kwasvika. Ndinotenda chikwata chino, vamwe vatambi vandinotamba navo uye murairidzi (Michel), asi ndega ndinofanirwa kuzvibudira pachena. Ndakarasikirwa nesimba rakawanda mumakumbo uye ndakarasikirwa nesimba rekutamba. Ndinotenda nhabvu uye ndinotenda imi mose, kubva iye zvino kusvika narinhi ndichange ndave mutsigiri wechikwata chino, icho chakandipa zvakawanda,” akadaro.

Demichelis akadzoka kuMalaga muna Ndira zvichitevera kubva kwaakaita kuEspanyol.

Aka ndekechipiri achitengwa nechikwata ichi, icho chaakatambira kubva 2011 kusvika 2013 zvichitevera kubva kwaakaita kuBayern Munich.

Mutambi uyu akambotambira Atletico Madrid, Manchester City uye achitanga akambotambira River Plate yekumusha kwake kuArgentina. Akakwanisawo kutambira Argentina ka51 ndokutamba mumafainari maviri nyika yake – 2014 World Cup kozoti 2015 Copa America – iyo maAlbiceleste akakundwa. – SportsMail Football.

Share This:

Sponsored Links