‘Dendera harina muridzi’

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Dendera harina muridzi’ Succeed Zvavanjanja

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
ZVISINEI nekuti musambo weDendera unozivikanwa neveruzhinji uchiridzwa nevemhuri yekwaChimbetu, mumwe muimbi wenziyo dzechitendero anoti izvi hazvitadzisi vamwe vaimbi kuridza musambo uyu asi chakakosha kuugona uye kuimba zvinogutsa vateereri.

Suceed Zvavanjanja akataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mushure mekubudisa dambarefu rake rechinomwe rinonzi Tigere Pamatumba.

“Dendera ndeyemunhu wese. Vaimbi hatifaniri kuzvitsimbirira kuti musambo uyu unonyanyoimbwa nemumwe muimbi saka handifaniri kuuimba. Chakakosha pakuimba kubudisa mashoko ako zvakanaka uye kubatanidza zviridzwa zvichibuda zvakanaka zvisingavhiringi vateereri pakuteerera kwavo. Kwandiri, chinonzi Dendera kuimba zvakatsetseka uye zvichibuda zvakanaka pasina kudzvanya izwi. Dendera tikada kuritarisa musanganiswa wesungura neKanindo,” anodaro Zvanjanja uyo anoimba nechikwata cheMhondoro Masters.

Shasha mukubika nekushambadza nziyo dzevaimbi vazhinji – Naboth Dimba – anoti vaimbi havafaniri kuzvisungirira vachiti ndinofanira kushandisa musambo mumwe chete.

Naboth Dimba

“Tinoona kuti vamwe vaimbi vari kupedzisira vapererwa mazuvaano nenyaya yekuti anenge achiti anofamba nemusambo mumwe chete. Tikatarisa musambo weDendera, pakutanga Simon Chimbetu aiimba musambo weSungura asi nekufamba kwenguva akazotanga yatava kuti Dendera iyi. Uyu musanganisa weKanindo neSungura asi unobuda zvakanaka zvekuti unoumba musambo mutsva wakasiyana nezviviri zvakabatanidza izvi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Nekufamba kuri kuita chizvino-zvino, vaimbi vanofanira kuramba vachibika misambo mitsva nekuti mimwe yacho vanhu vava kuita vachiitiza kana kuona seyekare zvakanyanya. Vaimbi vanofanira kubika mimhanzi inogara iri munzeve dzevateereri,” anodaro.

Zvakadai, Zvavanjanja anoti padambarefu rake idzva iri pane nziyo dzechitendero chete izvo anoti zvasiyana nemamwe madambarefu ake ekare ane musanganiswa wenziyo dzechitendero nedzimwe dzetsika nemagariro.

“Dambarefu redu idzva iri iro rakaumbwa nenziyo dzechitendero chete riri kupa dzidziso kuvateereri nevanamati kuti pasi pano zvinhu zvose zvatinazvo patinofa tinozvisiya naizvozvo munhu wese anofanira kurarama achigadzirira rugare rwakanaka kana azofa. Padambarefu iri, kambo kanonzi Jona kanodzidzisa vatendi kuti kana tikapihwa shoko raMwari tinofanira kushanda maererano nezvarinenge richida kwete kuita semafungiro edu isu. Pane kamwewo zvakare kambo padambarefu iri kanonzi Munotiona ako kanoreva kuti zvese zvatinoita Mwari vanenge vachiona naizvozvo kanokurudzira vateereri kuti varwire kuita zvakanaka muhupenyu hwavo kwete zvakaipa zvinovatadzisa kuwana hushe hwekudenga,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links