DETEMBA TINZWE

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MAITA NYANDURI

naCourage Magunje
Maita Nyanduri
Maita Dimo
Mvuu ine zino rinenge nyanga
Ine mafuta asingakununi.
Zvaitwa Dimo,
Mutupo usina vamwe
Chidawo chisina mapazi
Zvaitwa Sahwengi,
Mazviita vari Sanyati
Vendebvu chena dzinonetsa kugera.
Mhuka huru
Miromo inenge sando,
Nyama nyoro
Maita Nyanduri
Vagere Barwe
Zvizukuru zveHware.
Ndimi vadyi vezviyo zveminda,
Zvaitwa vari Barwe
Vari Sanyati
Kupfuya mbudzi hurombo,
Hekani nguruve,
Hekani vari Sanyati
Zvaitwa Nyanduri vangu.

Courage Magunje anodzidza paTransparency College, kwaSeke.

MAONERO:
Ndinofarira nhetembo zvikuru. Chandinonyanyoda munhetembo mutauro wakapfuma kana kuti zvirungamutauro, zvinonyatsoburitsa kunhuwirira nekutapira kwemashoko akarongwa nehuchenjeri.
Ndafara nenhetembo yaCourage nekuti kashoma kuti ndiwane vechidiki vanodetemba mitupo yezvidao zvavo. Kutaura chokwadi, ini ndiko kekutanga kunzwa nhetembo yevayera mvuu. Pazvipuka zvemumvura ndinoziva mitupo yehove ana Dziva, nana MaSiziba, yegarwe ana Mangwenya nana Gushungo.
Zvino nhasi neniwo ndadzidza. Ndaifunga kuti “nyanduri” kunongoreva mudetembi chete. Zvino pano ndiri kunzwawo kuti vayera mvuu vanonziwo ana Nyanduri.
Nhetembo iyi inoyerera semvura chokwadi. Inoti ikarumbidza, yombomira kuti itaure nezvemhuka yacho. Zvanzi, “Mvuu ine zino rinenge nyanga, Ine mafuta asingakununi.” Kufanana nedzimwe nhetembo dzemitupo nemadzinza, uku kwave kurumbidza zvinotyisa pamwe chete nezvinoyevedza pamvuu.
Zino rinenge nyanga rinoratidza humhizha hwaMwari pamwe chete nesimba remvuu. Ichokwadi mvuu ine mafuta, asi haagwambe nekugara mumvura. Ichokwadi kuti uyu mutupo, mutupo usina vamwe sezviri kutaurwa nemudetembi. Kusava nevamwe vane mutupo uyu ndiko kushaya mapazi kwacho!
Nhetembo iyi inoronda kunowanikwa varidzo vemutupo, kuSanyati, kuBarwe vari vazukuru veHware. Saka haisi nhetembo yekufungira, kwete asi inonyatsoburitsa nhoroondo yedzidza.
Ndafarawo zvakare nekutsanangurwa kwemaratidzikiro emvuu anoramba achipembedzwa. Zvanzi:
Mhuka huru,
Miromo inenge sando.
Nyama nyoro
Vadyi vezviyo mumunda,
Kupfuya mbudzi hurombo,
Hekani nguruve.
Chokwadi kudetemba kwakadai kunopa manyemwe! Wagona Courage!

Share This:

Sponsored Links