Kwayedza
DAI NDAKAZIVA NDAKATEERERA naAmanda Chirambadare
Hama dzangu, nhasi ndochururuka
Ndangariro dzanyura munguvamisodzi neziya.
inokosha yandakatambisa
Ndoswera nokurara ndichizvidemba
Usiku hwose ndakasvinura sedemba.
Dai ndakaziva chokwadi
ndakateerera.
Dambudziko rakatanga
pandakabubudza
Musoro wangu pawakatanga
kukurisa
Ndava kuona munhu wose
semudukusa.
Pandairairwa ndaindonyera zvitanda
munzeve
Ndichiti ndoda kunakirwa
nehwangu humhandara.
Handaiziva kuti chisingaperi
chinoshura
Nhasi dzidzo nehupenyu
zvavangarara.
Dai ndaiziva ndateerera
dzidziso yevabereki vangu
Ndakarava angu mabhuku
Vakareva zvavo vakuru
vakati, mashoko evakuru
haawire pasi
Chokwadi ndiwe unopedzesera
Wamedzwa nepasi.
Nhasi hupenyu hwondivavira
Kupfuura mhiripiri neuriri
Nhamo yandionesa pfumvu
Ndaona chitsvuku chakati piriviri
Ndoitei kunze kwekungoritaira
Nayo migwagwa
Ndakatambisa nguva chokwadi.
. Amanda Chirambadare ari muL6 paRoosevelt High School, muHarare.
MAONERO:
Iyi inhetembo inonzwisa tsitsi, nhetembo yekudemba nekukungura. Kazhinji tinoziva tsumo inoti, “Dai ndakaziva haitungamire,” asi pano Amanda haasi kuda kutaura zvekumhuno yake isina kugona kufembera zvichazoitika, asi ari kukoshesa kuteerera.
Izvi ndizvo zvaita kuti ashandure tsumo kuti musoro wenhetembo yake uti, “Dai ndakaziva ndakateerera.” Ichokwadi, kana Bhaibheri rinoti, “Kuteerera kunokunda chibayiro.”
Uchingotanga chete kuverenga, unobva wanzwa tsitsi nekuda kwekubvinza kuri kuita hupenyu hwemwana asina kuda kuteerera paairayirwa. Amanda anoti: “. . . nhasi ndochururuka misodzi neziya.” Kuchururuka kwake kunoita sekuti hachisi chinhu chachakurumidza chapera kana kuganhuka.
Misodzi inotaura kurwadziwa, kupererwa, kushungurudzika nekuzvidya moyo. Zvotiwo ziya rinoratidza kushaya zororo pamwe nekufunga kusingapere. Anoshandisa mutauro zvinobva zvanyatsojekesa zvaari kutaura. Anoti: Ndangariro dzanyura munguva inokosha yandakatambisa
Apa ndaona hushasha, kunyura kwendangariro munguva. Izvi zvinoratidza kufungisisa kwakadzama, uye kukungura nguva yakambenge iripo asi munhu akaitambisa sebhora. Izvi zvave kukonzera kuti munhu ashaye hope. Ndipo panzi nanyanduri:
Ndoswera nokurara ndichizvidemba
Usiku hwose ndakasvinura sedemba.
Ipapa unobva waona kushandisa mutinhimira nemabvumira zvinonakidza: Cherechedza mazwi aya akasimbiswa . . . zvidemba, sedemba.
Ndima yechipiri inotidzosera kwacho chaiko kwakatangira dambudziko. Zvinonzi “dambudziko rakatanga pandakabubudza . . .” Shanduko pamiviri yevana kana vachiyaruka inoita kuti vafunge kuti vakura, asi vanenge vachiri vana vanoda rubatsiro. Zvino pano tiri kunzwa kuti mwana uyu akabva akura musoro zvekusada kana kuudzwa chinhu. Ndinofarira kushandisa zvirevo zvaita seizvi kunoitwa naAmanda kuti asimbise pfungwa dzake. Anoti:
. . . ndaindonyera zvitanda munzeve
Handaiziva kuti chisingaperi chinoshura
Idzi inzira dzakajeka dzekunyatsoratidza hunhu hwemwana uyu nekusabatsirika kwake. Asi semunhu ave kunyora achidemba, ave kukwanisa kutaura achidzokera kuruzivo rwevakuru rwaaimboramba sepaanoti: chisingaperi chinoshura.
Zvave pachena kuti nhamo yamutambudza zvikuru. Unotanga kunzwa mazwi anoti:
Zvavangarara,
hupenyu hwondivavira
mhiripiri neuriri
chitsvuku chakati piriviri
Ndoitei kunze kwekungoritaira
Nayo migwagwa
Ndakatambisa nguva chokwadi.
Ukatarisa zvakare ndima yekupedzisira iyi, uchaona kuti Amanda anoziva nekunzwisisa nhetembo nemutauro. Muzere mabvumira, mutinhimira nemahon’era. Tinotenda zvikuru nevanyori vanenge Amanda, vanomiririra mazwi evanhukadzi nenzira inogutsa.