DETEMBA TINZWE

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

 DAI NDAKAZIVA NDAKATEERERA naAmanda Chirambadare

Hama dzangu, nhasi ndochururuka

Ndangariro dzanyura munguvamisodzi neziya.

inokosha yandakatambisa

Ndoswera nokurara ndichizvidemba

Usiku hwose ndakasvinura sedemba.

 

Dai ndakaziva chokwadi

ndakateerera.

Dambudziko rakatanga

pandakabubudza

Musoro wangu pawakatanga

kukurisa

Ndava kuona munhu wose

semudukusa.

 

Pandairairwa ndaindonyera zvitanda

munzeve

Ndichiti ndoda kunakirwa

nehwangu humhandara.

Handaiziva kuti chisingaperi

chinoshura

Nhasi dzidzo nehupenyu

zvavangarara.

 

Dai ndaiziva ndateerera

dzidziso yevabereki vangu

Ndakarava angu mabhuku

Vakareva zvavo vakuru

vakati, mashoko evakuru

haawire pasi

Chokwadi ndiwe unopedzesera

Wamedzwa nepasi.

 

Nhasi hupenyu hwondivavira

Kupfuura mhiripiri neuriri

Nhamo yandionesa pfumvu

Ndaona chitsvuku chakati piriviri

Ndoitei kunze kwekungoritaira

Nayo migwagwa

Ndakatambisa nguva chokwadi.

 

. Amanda Chirambadare ari muL6 paRoosevelt High School, muHarare.

 

MAONERO:

Iyi inhetembo inonzwisa tsitsi, nhetembo yekudemba nekukungura. Kazhinji tinoziva tsumo inoti, “Dai ndakaziva haitungamire,” asi pano Amanda haasi kuda kutaura zvekumhuno yake isina kugona kufembera zvichazoitika, asi ari kukoshesa kuteerera.

Izvi ndizvo zvaita kuti ashandure tsumo kuti musoro wenhetembo yake uti, “Dai ndakaziva ndakateerera.” Ichokwadi, kana Bhaibheri rinoti, “Kuteerera kunokunda chibayiro.”

Uchingotanga chete kuverenga, unobva wanzwa tsitsi nekuda kwekubvinza kuri kuita hupenyu hwemwana asina kuda kuteerera paairayirwa. Amanda anoti: “. . . nhasi ndochururuka misodzi neziya.” Kuchururuka kwake kunoita sekuti hachisi chinhu chachakurumidza chapera kana kuganhuka.

Misodzi inotaura kurwadziwa, kupererwa, kushungurudzika nekuzvidya moyo. Zvotiwo ziya rinoratidza kushaya zororo pamwe nekufunga kusingapere. Anoshandisa mutauro zvinobva zvanyatsojekesa zvaari kutaura. Anoti: Ndangariro dzanyura munguva inokosha yandakatambisa

Apa ndaona hushasha, kunyura kwendangariro munguva. Izvi zvinoratidza kufungisisa kwakadzama, uye kukungura nguva yakambenge iripo asi munhu akaitambisa sebhora. Izvi zvave kukonzera kuti munhu ashaye hope. Ndipo panzi nanyanduri:

Ndoswera nokurara ndichizvidemba

Usiku hwose ndakasvinura sedemba.

Ipapa unobva waona kushandisa mutinhimira nemabvumira zvinonakidza: Cherechedza mazwi aya akasimbiswa . . . zvidemba, sedemba.

Ndima yechipiri inotidzosera kwacho chaiko kwakatangira dambudziko. Zvinonzi “dambudziko rakatanga pandakabubudza . . .” Shanduko pamiviri yevana kana vachiyaruka inoita kuti vafunge kuti vakura, asi vanenge vachiri vana vanoda rubatsiro. Zvino pano tiri kunzwa kuti mwana uyu akabva akura musoro zvekusada kana kuudzwa chinhu. Ndinofarira kushandisa zvirevo zvaita seizvi kunoitwa naAmanda kuti asimbise pfungwa dzake. Anoti:

. . . ndaindonyera zvitanda munzeve

Handaiziva kuti chisingaperi chinoshura

Idzi inzira dzakajeka dzekunyatsoratidza hunhu hwemwana uyu nekusabatsirika kwake. Asi semunhu ave kunyora achidemba, ave kukwanisa kutaura achidzokera kuruzivo rwevakuru rwaaimboramba sepaanoti: chisingaperi chinoshura.

Zvave pachena kuti nhamo yamutambudza zvikuru. Unotanga kunzwa mazwi anoti:

Zvavangarara,

hupenyu hwondivavira

mhiripiri neuriri

chitsvuku chakati piriviri

Ndoitei kunze kwekungoritaira

Nayo migwagwa

Ndakatambisa nguva chokwadi.

Ukatarisa zvakare ndima yekupedzisira iyi, uchaona kuti Amanda anoziva nekunzwisisa nhetembo nemutauro. Muzere mabvumira, mutinhimira nemahon’era. Tinotenda zvikuru nevanyori vanenge Amanda, vanomiririra mazwi evanhukadzi nenzira inogutsa.

 

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>