DETEMBA TINZWE

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

 MAKANDISIYA, MUKANDIRAMBA

 naPrisca Gumini

Musambotiyemure zvenyu kana napadukuHama dzangu musambotichiva

Nokuti makatisiya, mukatiramba

 

Amai vangu pavakatiti pudzu

Makaramba kuti hatisi wedzinza renyu

Makati kwete, kwaZikani hakuna ane ganda dzvuku

Ko vanopa ganda havasi Mwari here?

Makatiti tiri vana vepfambi isu tiri ropa renyu

Makatiti bundo riri mumunda, risina rubetsero

Makatitandira kure nemi senhunzi

Nokuti makatisiya, mukatiramba!

 

Mave kutifunga nokutida nhasi

Nokuti takadururirwa Nyasha naNyadenga

Ko baba vedu pavakasiya nyika makaitei?

Ukama nesu Makati dambu nyore seshinda

Mukaugeza nesipo hukati hwa-a kupera

Saka nhasi munotidireiko? Kwete bodo!

Makatisema, makatiramba

 

Kune veruzhinji maitiseura makotsi

Hapana chenyu chamaida kutiona tichitemura

Kubva tiri tusvava, hamuzivi chakatiyarutsa

Makatandavara sorunyemba paMasvingo apa

Hamuna kuziva kuti chirere mangwana chigokurerawoka!

Saka chiregai amai vadye cheziya rawo

Nokuti makatisiya mukatiramba.

 

. Prisca Gumini anodzidza paSt Killians High School, kwaRusape.

 

MAONERO:

Ndatura befu pandapedza kuverenga nhetembo yako Prisca. Kana pane chinhu chawagona kuita nenhetembo yako, kuburitsa kushungurudzwa nekurwadziwa kwevana vakarambwa. Uchitanga kuverenga ndima yekutanga, unogona kungoti kutaurawo zvako – nekuti manyorerwo endima yekutanga akareruka, uye ari kungotaurawo nyaya nemutauro usiri wenhetembo. Zvekuti kufunga kwangu, ita kuti nhetemo yako itangire pandima yechipiri.

Mutauro wako nefananidzo dzaunoshandisa dzinorova muverengi chematsenganzungu chaicho. Wanga uchiita kudhirowa mifananidzo nemashoko ako. Chiri kunyanya kurwadza mumasarudziro emashoko enhetembo yako, kuchengeta kwakaita mwana uyu mashoko asina mutsa nerudo aakaudzwa pavakarambwa. Ndinonzwa pese paunoramba uchishandisa mazwi aya:

Makati, Makatiti . . .

Aya haasi mazwi ekupomera vanhu vakaita hutsinye chete, asi anonoti titimbwa kubaya pamwoyo zvekuti unobva wanyatsonzwa kurwadziwa kuri kuita mwana anezwi riri kutaura. Ichokwadi mazwi akashandiswa pakuramba vana ava anobaya, uye kurwadza kwawo kunobva kwazowedzerwa nekushandisa enzaniso yenhunzi inosemesa, inounza zvirwere, uye inonetsa. Zvanzi naPrisca:

Makatiti tiri vana vepfambi isu tiri ropa renyu

Makatiti bundo riri mumunda, risina rubetsero

Makatitandira kure nemi senhunzi

Mazwi anoti vana vepfambi, bundo nanhunzi anoratidza hudzamu hwekusadiwa kuripo.

Pamwe pashandiswa fananidzo dzakadzama ndepanzi:

Ukama nesu makati dambu nyore seshinda

Mukaugeza nesipo hukati hwa-a kupera

Unobva wanyatsoona zviri kutaurwa nemwana uyu nenzira yakajeka. Shinda hainetse kudambura, uye sipo inobvisa tsvina isingadiwe, saka naiye ari kuti vana ava vakanga vachiita setsvina kuhama dzavo.

Chimwe chidavado chiri kuratidza shungu nekurwadziwa kuri kuitwa mwana ari kutaura mibvunzo isingade mhinduro yaari kushandisa. Mundima yechipiri ati:

Makati kwete, kwaZikani hakuna ane ganda dzvuku

Ko vanopa ganda havasi Mwari here?

Mundima yechitatu akati:

Ko baba vedu pavakasiya nyika makaitei?

Saka nhasi munotidireiko?

Mibvunzo iyi inoburitsa kudzamirwa neshungu dzine mwana uyu. Kubudikidza nemibvunzo yake, ari kuti kuvanhu vakuru, “Mune mhosva.”

Prisca ndinoda kuti uchenjerere kushandisa “w” na “v”. Kana uchida kunyora chiManyika ibva warambira muchiManyika uchishandisa “w” panzvimbo ya”v”, asi kuzosanganisa hakuite. Asi pasina izvozvo, wadzikisa gejo zvekuti ndinokupa sando dzako!

Huya utore bhuku idzva rinonzi Imbwa Yemunhu kumupepeti weKwayedza.

 

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links