DETEMBA TINZWE

16 Sep, 2016 - 16:09 0 Views

Kwayedza

MAGAMBA EZIMBABWE naLangton Munyaradzi Chemhere

Ndinokutendai, ndinokutendai ndinokutendai magamba.

Muri magamba emagamba, hamusi zvigamba.Varwi verusununguko, vana mujiba nana chimbwido,

Kuenda kuhondo makarovera moyo padombo.

Munyika menyu makaramba kushandiswa semombe.

Makapinda musango makabata zvombo.

Makaramba kuitwa varombo.

Zimbabwe yakauya nehondo.

Zimbabwe haina kuuya nepondo.

Zvikuru vana vevhu vakatambura,

Vamwe vakave zvirema muhondo.

 

Magamba ezimbambwe makaikanga waya

Maidya nhoko dzezvironda muchigara makabata shaya.

Musoro waitema mazano muchigaya.

Vana vevhu musakanganwe chazuro nehope.

Musafurirwe, musanyeperwe

Vana veZimbabwe, musanyengedzwe.

Vasina mabvi vanoruma vachifudzira.

Makazviita magamba makatisiira nhaka yedu Zimbabwe.

 

Svinurai vakomana, vasikana svinurai.

Zimbabwe haina kuuya zvekutamba,

PaChimoyo, Nyadzonya netembwe,

Masvosve nemasvosve emagamba vakaita murakatira kufa.

Zimbabwe ndeyeropa, ndeye ropa Zimbabwe.

Rakadeuka ropa remwana wezimbabwe.

Rikayerera kunge mvura iri munaZambezi.

Yakarwirwa, ikafirwa nyika yeZimbabwe.

Magamba makasungwa, mukarohwa muchishungurudzirwa Zimabwe.

Vakamusungirira Nehanda Nyakasikana.

VaMugabe, VaTongogara, VaChitepo navaTakawira nevamwe vakatambura,

Mumajeri vakatambura.

Pakatsva mupinyi pakasara demo muhondo.

Ndinotenda magamba.

 

Mumapurazi taishandiswa kunge madhongi.

Tichohwa kunge nyoka yapinda mumba.

Yakange isisa tambike Miseve neRhumba.

Kwakange kwavakusagarika kumba.

Misha yave matongo, mutema atizira kumapako.

Takaoneswa pfumvu munyika yedu.

Vapambevhu vachipfachura uchi nemukaka weZimbabwe.

Magamba makagumbuka, ropa rikatsvuka.

Mbuya Nehanda mapfupa akamuka.

Nhasi tozvirova matundundu.

 

Vakadzi mhururu, varume mheterwa.

Mbira, ngoma nehosho zvodandaurwa.

Nyanduri ndodetemba, vaimbi voshaura.

Mwana weZimbabwe opembera, tose tose tofara.

Takudya huchi nemukaka.

Munyika yedu Zimabwe yakanaka.

Takugara takatandavara serunyemba.

Pasina kuungudza kana kudemba.

Tinorangarira magamba, tinotenda magamba, makazviita magamba.

Ndinokutendai, ndinokutendai, ndinokutendai magamba.

Langton Munyaradzi Chemhere ari muForm 3 paGovera Secondary School, kuDomboshava.

 

MAONERO:

Zvinofadza kunzwa vanyori vechidiki vanomira-mira kuti vabike nhapi-tapi dzenhetembo dzine zvidavado zvinotapira. Ndanga ndichityira kuti kureba kwenhetembo iyi kuchakanganisa zvakawanda, asi kwete, chandazoona ndechekuti munyori wenhetembo iyi anonzwisisa mutauro. Kana ukatarisa mutsara wechitatu mundima yekutanga, uchaona kuti ashandisa chidavado chemazwi anoda kunzwika zvakafanana anoti, “magamba” nerinoti “zvigamba.” Chaari kuratidza ndechekuti chigamba chinosonererwa pahembe yabvaruka, saka panenge pasina hugamba kana pakadaro.

Uyewo panyaya yemazwi maviri aya, nyanduri ari kuda kuti tione mupfungwa dzedu mutsauko wechigamba negamba. Nyanduri ari kuenderera mberi achishandisa madimikira anonyatsobatsira kuti nyaya yake isimbe. Anoti:

. . . makarovera moyo padombo, ozotiwo,

. . . makaramba kushandiswa semombe.

Nyangwe zvazvo dzimwe nguva anga onyanya kunakirwa nekutamba nemazwi, ndafarira hochekoche yemazwi ekupedzisira sepaati:

Makapinda musango makabata zvombo.

Makaramba kuitwa varombo.

Zimbabwe yakauya nehondo.

Zimbabwe haina kuuya nepondo.

Apa pari kubva pabudawo mutinhimira nemabvumira. Tinounzwawo zvakare mumutsara unoti: Musafurirwe, musanyeperwe vana veZimbabwe, musanyengedzwe. Nyanduri wedu anoda kuchenjerera kushandisa mamwe mazwi anodzikisira kana kuita sekushora. Ini zvangu ndiri kunzwisisa zvaanga achida kuita paati:

Masvosve nemasvosve emagamba vakaita murakatira kufa.

Asi kana ukange uchida kutaura kuwanda kwemagamba akafa, hautaure uchishandisa masvosve. Ungasva wati mazana nemazana emagamba. Uyewo, unoda kuti uchenjerere kunyora mazita enzvimbo akaita sanaTembwe uchishandisa T mukuru kuratidza kuti izita renzvimbo. Zvimwe zvacho imhosvo dzezviperengo ndinofunga dzakaitika pawaitaipisa nhetembo yako. Asi zama kuti uverenge nhetembo yako zvikuru kana ichizobuda mubepa rinenge Kwayedza iro rinoverengwa nevanhu vakawanda kuti ugadzirise zvinokwanisa kugadziriswa.

Ramba uchinyora Langton nekuti une chipo uye apa wadadisa kwaGovera neDomboshava yose.

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links