DETEMBA TINZWE

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

 

MUNOSHAMISIKEI?

 

naTinofara H Jisa

Ko munonditarisirei zvakadaro?

Munoda kuziva kuti

Nei ndichibonyoka kudai?

Munoda kuziva vabereki vangu?

 

Baba vangu nditerevhishoni

Mai vangu ndiwhatapp

Ndivo vanondidzidzisa hunhu.

 

Munoshamisika kufumuka kwangu.

Imi muri apo hamusi mai Themba?

Themba bhuru remusha,

Ratungidza vashanu vanasikana.

 

Ko imi ba vanembatya tsvuku

Hamusi baba vaMazvita

Mazvita wokubvusa nhumbu nhatu.

 

Musashore kufumuka kwangu.

Pandaishaya hunhu –

Shamhu yenyu baba yaivepi?

Pandaipinda mudondo –

Dzidziso yenyu amai yaivepi?

 

Mukasaongorora hari yousavi

Ichibikwa usavi hunotsva.

 

. Tinofara H Jisa anodzidza paChrist Ministries High School, kuBelvedere, muHarare.

 

MAONERO:

Tinofara H Jisa ndakuomberera maoko ufunge! Ndikoka kuruka nhetembo uku. Ndikoka kuti nyanduri uku! Wagona kuburitsa dambudziko raparadza hunhu hwedu – vana vanorerwa nekudzidziswa neTV nemafoni. Vabereki vanongomirira kushora, asi ivo vasiri kuita basa ravo.

Nhetembo yako yatanga zvakanaka nemusoro unobvunza mubvunzo uchiti, “Munoshamisikei?” Musoro wenhetembo wakadai unodenha vaverengi kuti vatangewo kubvunza mibvunzo yavo nekuda kuziva kuti inyaya yei iri kutaurwa.

Chandafarira ndechekuti nyanduri Tinofara agona kuvhura nhetembo nemubvunzo, asi haana kuti chidavado ichi chiperere ipapo chete, asi nhetembo yake izere nemibvunzo. Mibvunzo yake haidi mhinduro, asi mibvunzo yekupeputsa vaverengi pahope dzaari kuona dzakavaputira.

Nhetembo iyi yandiratidza hushasha zvakare nekuti nyanduri ari kushandisa chidavado chekusvotesa kana kuseka hupenzi hwezvaari kuona. Izvi zvanyanyobuda paati:

Baba vangu nditerevhishoni

Mai vangu ndiWhatapp

Ndivo vanondidzidzisa hunhu.

Isu tinoziva kuti munhu anodzidziswa hunhu nevabereki pamwe chete nevamwe vanhu, asi Tinofara ari kuseka hupenzi hwaveko hwekuti TV neWhatsApp ndizvo zvave vabereki vanodzidzisa vana hunhu. Saka neimwe nzira, nyanduri ari kuti pane zvasunama kana basa revabereki rave kuitwa nezvinhu zvinenge TV neWhatsApp. Unobva wada kubvunzawo kuti, “Saka vabereki vacho chaivo vari kupi?”

Abvapo, nyanduri ari kubva apinda mukuseka vabereki vanoda kutsiura mwana wevamwe, asi wavo mwana achiita zvinotyisa. Saka apa neimwe nzira, nyanduri ari kuti vabereki vatange vagadzirisa vana vavo, vave mucherechedzo wakanaka zvekuti kana vakada kudzidzisa, kutsiura nekudzora vamwe vana, hapazove nedambudziko.

Uyu nyanduri chaanyanya kugona kutaura kusarohwa kana kusarangwa kwave kuitwa vana mazuva ano. Kana Bhaibheri rinotaura kuti mwana ngaarohwe neshamhu, asi vabereki nekuda kwekodzero, havacharanga vana kana kuvaraira.

Kupeta nhetembo yake kwaitwa zvechishasha chaizvo. Nhetembo iyi yapetwa nedimikira rinotaura kuti kana vabereki vakasave nehany’a nezviri kuitwa nevana vavo, hapana chipenyu kana chakanaka chinobuda muhupenyu hwevana ivavo.

Handina kuziva zvinoreva izwi rashandiswa nanyanduri paati ndichibonyoka. Asi sekuziva kwangu, izwi iri rinogona kunyadzisira. Pamwe iye achazondiudzawo zvarinoreva sekunzwisisa kwake. Tumwe tumhosho twune chekuita nekupatsanura nekubatanidza mazwi, asi hazvisi zvinhu zvinganditadzise kuti nditi mwana uyu anogona zvake! Ramba uchinyora, une dzidziso inovaka nyika.

 

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links