DETEMBA TINZWE

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

SHUMBA MHAZI

naOlivia Mutsakani
Maita Shumba.
Zvaitwa Mhazi
Mondi inopondera
pasina gwenzi
Mukanyaira

Maita vakuru vesango
Vonovhundutsa vamwe
Momukunya uri munzenze,

Vamadzvovera. Vamanduri
Vamapfupa, vana meso
Anozezesa kuringa.
Mukakatira kwasviba.

Vapondi vezvipenyu
Zvinofambira. Hekani
Mupwanyanzombe.
Mudyandichiomba
Madzvovakamwe
Mufandichiona.

Olivia Mutsakani ari muGrade 6E paZengeza 8 Primary School, Chitungwiza.
MAONERO:
Iyi inhetembo yemutupo kana kuti yevanhu vedzinza revayera shumba. Chandifadza ndechekuti mwana akainyora uyu ari muGrade 6, zvichireva kuti ari kunzwisisa kwaanobva nenhoroondo yemhuri.
Zvinoratidzawo zvakare kuti Olivia anonyatsoteerera panenge pachidetembwa mutupo wake izvo zvazoita kuti akwanise kuunyora. Chinhu chete chaasina kuzoita kugadzirisa zviperengo, asi zvaakanyora zviri kunzwika.
Topinda munhetembo yacho:
Maita Shumba.
Zvaitwa Mhazi
Mondi inopondera
pasina gwenzi
Mukanyaira
Nhetembo ino ndeyekutenda. Tinoona kuti kana zvikanzi “maita” uyewo zvozonzi, “zvaitwa” kureva chinhu chimwe chete asi kutenda kwacho kuchinyanya kusimbiswa.
Shumba sechikara chesango inouraya, saka izvi ndizvo zviri kuita kuti inzi, “Mhondi inopondera.” Pasina gwenzi zvinogona kureva kuti haivimbe nechimwe chinhu pakuuraya kwainoita. Zvakarewo, ndima yekupedzisira inopera nekutaura mafambiro ekuzvitutumadza anoita shumba, “Mukanyaira.” Izvi zvinoda kutoredzera kunana Soko Mukanya vanofambawo vachikanyaira.
Maita vakuru vesango
Vonovhundutsa vamwe
Momukunya uri munzenze,

Vamadzvovera. Vamanduri
Vamapfupa, vana meso
Anozezesa kuringa.
Mukakatira kwasviba.

Ndima yechipiri neyechitatu dzinoburitsa kuremekedzwa nekutyiwa kunoitwa shumba, kwete mungano chete asi nedzimwewo mhuka. Handina chokwadi kuti panzi “momukunya” panga pachida kunzi chii. Izvi zvinodzoka zvoita kuti ndifunge kuti nyanduri wedu pane paakatora nhetembo iyi, asi akatadza kunyatsokopa zvakanaka.
Asi tinoona kuti shumba inorumbidzwa nekuda kwekutinhira kwayo uko kwafananidzwa nenduri. Panotsanangurwawo kutyisa kwemaziso eshumba uye nehunhu hwayo hwekuvhima nekuuraya husiku. Ndipo panzi, “Mukakatira kwasviba.”
Ndima yekupedzisira iri kuenderera mberi nekutsanangura maitiro eshumba uye nesimba rayo. Madetemberwo anoitwa mutupo uyu anoburitsa mutinhimira nemabvumira kunyanya kana ukatarisa mushandisiro uri kuitwa mazwi anotanga naM, anoti:
Mupwanyanzombe.
Mudyandichiomba
Madzvovakamwe
Mufandichiona.

Tinozvikurudzira kuti vana vawane mukana wekudzidzira nhetembo dzemitupo yavo nekuti zvinovaita kuti vadzidze mutauro wakapfuma, uyewo nekuziva mamwe mazwi eShona yakadzama asisashandiswe mazuva ano.
Chekupedzisira, tinokupai madetemberwo emutupo uyu sekunyorwa kwawakaitwa nemushakabvu A. C. Hodza.
Maita Shumba,
Zvaitwa Mhazi,
Mhondi inopondera pasina gwenzi.
Hekanhi Mukanyairi,
Maita vakuru vamasango,
Vanovhundutsa vamwe nomukanya uri muzenze,
Vamadzvovera,
Vabanduri vamapfupa.
Vana meso anozezesa kuringa,
Mukakatira kwasviba,
Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira.
Hekani mupwanyanzombe,
Mudyandichiomba,
Mudzvovakamwe,
Mufa ndichiomba,
Vezvitere zvikwatakwata,
Zvinenge zvizinga zvouchi,
Kuridza mutsindo pasi pasakara.
Zvaitwa Chiurayi,
Jenamuromo dehwe rehosi.
Tatenda VaChamakanda, VaRuminu, VaZverungu,
Venyika izere mashisha namadu,
Inomera nhemayakanda.
Vamahonyera, Mhukahuru,
Vatangi vemhuri ino mukurumbira,
Jinda Mutasa,
Zvaitwa Tembo yangu yiyi.
Aiwa zvaonekwa weMhazi.
A. C. Hodza (Department of African Languages)
[email protected]

Share This:

Sponsored Links