DETEMBA TINZWE

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views

Kwayedza

Panyika ndakabarirwei?naApplaude Masuka
Vehama kwangu hupenyu kukwira gomo risina mateu
Chokwadi panyika ndakabarirwei?
Angandinzwewo panyika ndikachema ndianiko?

Mose zvamunondisema, chandiona semunhu ndiani?

Chokwadi panyika ndakabarirwa nhamo

Senhunzi patsvina, nhamo yandimomotera
Mabhini ndotevedza ndiwane chinobata ura,
Mapepa ave angu machira zvipfeko.
Mugwagwa ndiwo zvave zvangu wangu musha.
Misodzi yomokotesa angu matama angu nguva dzose.
Kutaridzikira ndave chikara chesango, ndangove nyama yemagora.
Chokwadi hupenyu hwangu marwadzo.

Pasi randiramba hamawe, vakatsamira churu vane zororo.
Asika mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye uye,
Handityatye kununa ndakasasikwa.
Dai varikumatenga vapukutawo yangu misodzi.

Applaude Masuka ari muForm 2A paSt Mary’s High School, kuChitungwiza. Mudzidzisi ndiMai Chinyowa.

MAONERO
Ndafarira mashandisiro awaita mutauro munhetembo yako. Mafananidziro awaita hupenyu hwako nekukwira gomo risina materu kunonyatsoburitsa zvakajeka kurwadziwa pamwe chete nekutambudzika kwauri kuita. Asi ndinofunga kuti wakurumidza kubvunza mubvunzo wako wekuti “panyika ndakabarirwei” mumutsara wechipiri, mundima yekutanga. Ndinoti wakurumidza nekuti unofanira kuzodemba nekudunura wambotiratidzaka nhamo dzacho dzakusvitsa ipapo. Zvino ukangoti usina kure kwawaenda, wave kutoridza mhere hazviumbe nhetembo yako.

Imwe fananidzo yawashandisa yakasimba zvikuru ndepawati, “Senhunzi patsvina, nhamo yandimomotera.” Izvi zvinonyatsoburitsa nenzira yakasimba kutambudzika kwauri kuita. Asi mutsara wawati, “Mapepa ave angu machira zvipfeko” hausi kureva chinhu, nyangwe zvazvo ndichinzwa kuti uri kuda kuti kudii. Nhetembo hadzisi dzekungonakidzwa nekupindurudza marongerwo anoitwa mazwi mazuva ese, nekuti unogona kutadza kuburitsa pfungwa dzako zvinonzwikwa nekugamuchirika.

Wati “Kutaridzika ndave chikara chesango, ndangove nyama yemagora” asi kana wave chikara chesango, zvinoreva kuti wave kutyisa uye hautangike, saka unozoita nyama yemagora sei zvakare? Zvave kuita sekuti pfungwa dzako dziri kurwisana zvadziri kutaura mumutsara mumwe chete. Uye, ukatora mazwi anoshandiswa mazuva ese sepawati, “Chokwadi hupenyu hwangu marwadzo,” unenge waratidza nungo sanyanduri dzekutsvaga mazwi matsva anoratidza humhizha hwako.

Nyangwe nhetembo yako yakanaka, ndinofunga kuti hauna kuburitsa kuti chakonzera kuti utambudzike kudaro chii, uyewo kuti kutambura kwako hadzisi nungo here dzekusada kushanda. Ndima yako yekupedzisira iri kuratidza munhu ari kuzvishingisa kuti agashire hurombo hwake, asi zvakare yobva yazvipesanisa nekutsvaga kupukutwa misodzi nevari kumatenga. Cherechedza kuti varikumatenga manzwi maviri anonyorwa asina kubatana sekuti, “vari kumatenga.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>