DETEMBA TINZWE

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

HAMUMBONDIWONEWO NEI?
naVeronica Mazhandu
Ndini zvangu uyo-o ari apo
Ndakamira pachikona chamuri
Kudarika pedyo pedyo nacho
Asi hamumbondioni!

Chando chino handina
Chekufuka kana pekuchivanda
Murikuzviona asi ndazvishaya
Hamumbondioni neiko?

Ndakapfeka iwo anokunhuhwirai
Hamuchatodi kuti ndive pedyo nemi
Kukubvutira zvawabva kutenga
Hakusi kuda kwangu, inzara
Zvaunzwa nekuti hamundicheuki

Munonditarisa zvenyu
Dzimwe nguva munobva mapfira
Nhamo yangu inonhuwa
Munenge muchiiziva

Ndinochengetedzwa naiye musiki
Ndakazozviona, munopera naizvo
Zvirwere zvekorera ini ndiripo
Apo ndabva kudya zvamarasa
Akaona kuti hamumbondioni

  • Veronica Mazhandu ari kuita Upper Six paKotwa High School, kuMudzi.

MAONERO:
Veronica nhetembo yako yandisiya ndine mibvunzo yakawanda. Wazama chose kuburitsa pfungwa dzemunhu ari kusemwa nevamwe uyu, asi munhu uyu ibenzi here kana kuti ndemumwe wevana vanorarama nekupemha?

Ko zvaari kutaura kuti anombobvuta zvinhu kubva kuvanhu, hazvireve here kuti vanhu vanotomutya? Kana vanhu vachimutya, vangazomunzwira tsitsi chirudzii? Ko handiti mamwe mapenzi anorova, ane hasha, anobhinya kana kutyisidzira vanhu? Saka tomubatsira sei munhu uyu? Tinozviziva sei kuti kubvutira vanhu zvavatenga inzara? Ko iye ane nzara handiti anokumbira panzvimbo yekubvuta? Kuona kwauri kutaura munhetembo yako kuri paviri.

Uri kutaura kuti hamundioni uchireva kuti hamundiitire han’ya kana kundicherechedza. Asiwo ndanzwa sekuti kumwe kuonekwa kuri kudiwa nemunhu uyu kuonekwa kwekubatsirwa nezvekudya nezvimwewo zvakadaro.

Zviri kuita sekuti munhu uyu haapenge, asi kuti anogona kunge ari munhu ane nungo afunga bhindauko rekutsvaga kudya zvemarema. Nyatsotiratidza kana kuti nyatsoburitsa pachena nenzira isingatipe kuva nemibvunzo kuti sei ari kutonyatsoziva kuti anoda chekufuka kana pekuvanda chando?  Ko zvino tomutora here kana riri benzi kuti tinorichengeta kudzimba dzedu? Ko hama dzake dziri kupi? Chiri kupa vanhu kuti vapfire inhamo yake here kana kuti kusemeswa? Dingindira rako rekubatsira vanoshaya nevanorwara nepfungwa rakanaka, asi manyorero awaita haana kunyatsondigutsa. Tichiri pamanyorero ipapo, nhetembo yako yanga ichida kwazvo kuti ushandise zvimiso kuti muverengi abatsirike pakuiverenga, asi ukazvitarisa uchaona kuti uri kungoenda sebhasikoro risina mabhureki pamateru.

Ucherechedze mazwi anofanira kupatsanurwa sekuti, “muri kuzviona” kwete kuti “murikuzviona.” Chekupedzisira, izwi rebenzi iri harisi kunyatsondigutsa.

Benzi iri rinenge rinonyatsoziva kunge munhuwo zvake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>