DETEMBA TINZWE

12 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

KOTWA HIGH naMartha Mbudzi
Zita rangu ndinonzi
Kotwa High
Ndakazvarwa mugore ra1984
Ndine makore makumi maviri nepfumbamwe
Ndinoratidza hudiki pamakore
Uye ndakakura pamhumhu
Asi ndiri mukuru kune dzimwe
Shamwari dzangu
Dzakazvarwa mumashure mangu
Dzakatenderedza Mudzi
Nedzimwe nguva
Handibatwi zvakanaka
Nevana vechikoro
Vanondisiya ndine tsvina
Pamwe nemarara
Vofunga kuti handioni
Vanosiya mahwindo
Nemafloor angu
Akasviba sezvinonzi
Ndakazvarwa ndakasviba
Vamwe ndivo vasingambodi
Kunonga mapepa
Mumanhandare nedzimwe nzvimbo
Dzakasiyana-siyana
Vanongondichenesa kana wave
Kuda kuenda kuzororo
Tsvina yose yomumahwindo
Nomumagonhi inoita kuti
Ndirware.
Ndakamboedza kuchema-chema
Kumukuru wechikoro
Asi hawateereri zvawanoudzwa
Vamwewo ndivo vanoseka
Pamwe nekushora
Sezvinonzi mukuru wechikoro
Ane musoro usingafunge.
Asi chii chinoitika
Kana ndikasuduruka
Ndokusiyai musina
Pokudzidzira?
Munochema nerubatsiro
Rwangu rwandinokupai.
Iyezvino chitarisai
Mabatiro amurikuita waya
Yakanditenderedza
Yose yangova maburi oga oga
Nekuti hamundionewo sechisikwa
Ringori zuva rimwe chete
Patwuchafuma twakakwidza
Kusanganisira mamemba
Ose eStaff.
Martha Mbudzi ari muFomu 2 paKotwa High School, kuMudzi.

MAONERO
Zvaitwa naMartha Mbudzi pano ndizvo zvandinoda kuti mupote muchiita kana muchinyora nhetembo. Tsvagaiwo manyorero matsva, muchiratidza kuti mune maziso anoona, nepfungwa dzinomhanya-mhanya kunge masvosve emhamhatsi.

Ndafara nekunzwa chikoro chichitaura pfungwa dzacho pamwe chete nezviri mukati memwoyo. Manyorero iwaya, anoita kuti nditi nyanduri abudirira nekuti aita kuti chinhu chatinoona mazuva ese chiite zvinhu zvamusingafungire zvekutaura, saka muchida kana musingade, muchatoti muchiteerere kuti chiri kuda kumboti chii.

Nyangwe zvazvo ndafarira nhetembo yako Martha, chandisina kufara nacho ndechekuti nhetembo yako iri kutaura pfungwa dzakasiyana-siyana. Wanga uchifanirwa kuisa pfungwa idzi mundima dzakasiyana-siyana. Manyorero awaita apa asina ndima anoita kuti anoverenga avhiringike, uyewo wazonyanya kuti dambudziko iri rikure nekusashandisa zvimiso.

Kana nhetembo ikashaya zvimiso, inenge yafanana nebhazi risina mabhureki – bhazi rakadaro rinopfuuridza vanhu pazviteshi zvavanoda kuburukira, harimire pamapurisa uye rinokonzera tsaona.

Nyangwe zvazvo ndichikurudzira kushandiswa kwemutauro kusingamanikidze ana nyanduri kuti munyatsoburitsa zvakajeka pfungwa dzenyu, iwe une mazwi echiRungu awashandisa andinofunga kuti anowanikwa muchiShona. Mazwi aya awanyora munhetembo yako ndeanoti – floor na staff. Handingakuudze kuti mazwi echiShona awaifanira kushandisa ndeapi nekuti uri shasha yechiShona.

Imwe nyaya yandisina kufara nayo inyaya yekuti hausi kuziva kushandisa patsanuro nebatanidzo yemazwi. Kana wakaverenga Kwayedza mumwedzi yapfuura, Ticha Danga vakanga vachitaura nyaya yekudonhedza zvibodzwa kuri kuita vana vechikoro mubvunzo dzechiShona nenyaya yekusaziva pekubatanidza nekupatsanura mazwi.

Iye zvino kwete “iyezvino”
Amuri kuita kwete “amurikuita”
Chimwe chinhu chandinombotaura nezvacho chinoda kuchenjererwa kuziva pekushandisa /wa-/ na /va-/. Iwe wati:
Kana vave kwete . . . kana wawe
Havateereri zvavanoudzwa kwete hawateereri zvawanoudzwa

Pasina zvandataura izvi, une ramangwana rakajeka sanyanduri. Ramba uchinyora. Kana wakwanisa, ndiri kuda kuti unyore imwe nhetembo uri chikoro zvakare, asi panguva ino nyora nezvemusi wacho watwuchafuma twakakwidza.

ignatius mabasa [[email protected]]

Share This:

Sponsored Links