Dhamu rofushirwa negukuravhu

17 Jul, 2014 - 15:07 0 Views
Dhamu rofushirwa negukuravhu

Kwayedza

BASA rekurima mapindu riri kuitwa nevarimi vanodarika 160 vekuMagunje, kuHurungwe reKebvunde Consolidated Gardens rotadza kufambira mberi zvakanaka sezvo mvura inoshandiswa kubva mudhamu reKebvunde yave kushomeka nekuda kwegukuravhu iro rokonzera kufushirika kwedhamu iri.

Varimi ava vanorima zvakasiyana zvinosanganisira muriwo, nzungu nembambaira.

Chirongwa chemapindu aya chinowanikwa kwaShe Nematombo uye chine zvikamu zviviri zvinoti A neB.

Mutevedzeri wasachigaro wechirongwa ichi, VaDobiah Manjinjiwa (75), vanoti dhamu ravo rave kuzara jecha izvo zvave kudzosera mabasa avo kumashure.

“Chirongwa chedu chekurima mapindu chiri kubatsira vanhu zvikuru asi dambudziko riripo nderekuti dhamu redu razara ivhu harichakwanisa kuchengeta mvura inokwanirana, rakavakwa mugore ra1950 apo muno maiva nevanhu vashoma zvikuru richingomirira kunwiwa nezvipfuyo chete nemhukawo dzesango. Isu takazotanga kurishandisa mukurima apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere  mugore ra1980,” vakadaro.

Vanoti vanotsvagawo rubatsiro rwekuti jecha ririmo ribviswe rinova basa rinoda michina yechizvino-zvino yemacaterpillar nezvimwewo. “Kutemwa kwemiti iri padyo pedhamu ndiko kwakakonzera dambudziko regukuravhu iri zvekuti zvikaramba zvakadai rinogona kufushirika zvachose,” vakadaro.

Zvakadai, VaManjinjiwa vanoti panosvika mwedzi waGumiguru gore roga-roga mvura yemudhamu iri inobva yapera, basa rekurima iri rokanganiswa.

Vanoti kurima zvakasimba mapindu aya kwakatanga mugore ra2003 apo vakawaniswa rubatsiro rwewaya nezvimwe kuti vaakomberedze kubva kusangano reCADEC.

“Murimi woga-woga  ane munda wakatandavara yeka uye zvirimwa izvi tinozvitengesa kwakasiyana kusanganisira muzvikoro,” vakadaro.

VaManjinjiwa vakati nekuda kwedambudziko regukuravhu rakura mudunhu ravo vari kushanda nebazi reNatural Resources Board (NRB)  apo vari kudyara mapuranga sezvo vachiti miti yakapera kutemwa.

Vanoti dzimwe nzizi dzemudunhu ravo dzaperawo kufushirwa nejecha nekuda kwekutemwa kwemiti uku.

Rimwewo dambudziko ravakatarisana naro kutsemuka kwedhamu iri zvakare zvave kukonzera kubuda kwemvura iyi kana yawanda.

Chirongwa ichi chiri kuraramisa mhuri dzakawanda mudunhu iri, vana vachikwanisa kuenda kuzvikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>