Uncategorized

Dhuma-dhuma nemhondi

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Dhuma-dhuma nemhondi Murambiwa Mupaiki

Kwayedza

‘Ndakachekeresa vanhu 3’, ‘Mukoma, girlfriend yangu’

Kingstone Mapupu

NYAYA yemurume wechidiki akaponda vanhu vatatu kuChivhu achibvisa nhengo pazvitunha zvavo idzo anonzi aitengesera vemabhizinesi inonzi yakwidza makata zvichitevera kuripa kunonzi kunofanirwa kuitwa nevemhuri yake senzira yekuchenura dunhu iri.

Bryn Mupaiki (28) – uyo anogara mubhuku raJuru, kwaMambo Nyoka, kuManyene – akatopinda mudare ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore 60 mushure mekubatwa nemhosva yekuponda vanhu vatatu.

Vaakaponda ndevanoti mukoma wake Moses Mupaiki, musikana wake Clarah Mupandawana nemumwewo murume asina kuzivikanwa.

Bryn – uyo atova kupika jeri kuChikurubi Maximum Prison – anoti aibvisa zvitunha izvi nhengo dzemuviri dzinosanganisira rurimi, matumbu nezvimwewo izvo zvaizosanganiswa nemishonga yekuchekeresa mabhizinesi.

Anoti akaponda vanhu ava achitumwa nedzimwe hama dzake dzepedyo idzo dzaida kushandisa nhengo dzevanhu kuchekeresa.

VaMurambiwa Mupaiki (52), vanova baba vaBryn, vanoti kunyangwe mwana wavo akaenda kujeri, zvasarira kwavari kuti vataurirane nevemhuri dzevamwe vanhu vaviri vakapondwa sezvo mumwe wechitatu ari mwana wavo.

 

“Mhosva yakaparwa, ngozi yatova mumusha. Nyaya huru kunoda kuripwa kuhama dzevanhu vakaponderwa vadikani vavo ava. Ukuwo mambo vedu Nyoka vanodawo kuti dunhu ravo richenurwe nekudeurwa kweropa kwakaitwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mambo vave kuda mombe mbiri dzekuchenura dunhu ravo nekusvibiswa nekudeurwa kwakaitwa ropa. Zvino ini handina mombe, ndiri murombo uye tose navadzimai vangu tava kurwara nekuda kwenyaya iyi.”

Tafadzwa Mupaiki, anova mukoma waBryn, anoti mumusha mavo hamuchagarika nekuda kwemhosva yakaparwa nemunin’ina wake.

Mambo Nyoka, VaNewton Musafare Matizha, vanotiwo nyaya yaBryn yekuponda vanhu yakasiya dunhu ravo razara nekutya kukuru nekusagadzikana.

Insp Tendayi Mwanza

“Kumapurazi kunonzi kwaiponderwa vanhu nemurume uyu kune zvinoonekwa ikoko zvave kuita kuti vanhu vatye kufamba ikoko. Ini ndakaenda kujeri ndikanotaura naye Bryn wacho ndichida kuziva mapondero aaiita vanhu.

“Zvino iye akaenda kujeri, isu tave kuda kuti tigadzirise zvipini zvakaitwa nemurume uyu. Tiri kuronga kuungana madzimambo ose emuno anosanganisira inini, Mutekedza nevamwe toona kuti nyaya iyi ingagadziriswe sei mhuri iyi iripe,” vanodaro.

Bryn anonzi haana chaakasiya kunze kunyangwe achiti akanga abhadharwa mari inosvika US$20 000 pakuponda kwaaiita vanhu uye anonzi aizopihwa makombi maviri ayo asina kuzopihwa.

“Dunhu rose rakamirira kuona kuti nyaya iyi ichafambiswa sei kuti nyika ichenurwe. Asi vanhu ava havasi kuda kushanda nesu, vanoti havana mombe dzekuripisa.

“Dai kaiva kare, vanhu ava vangadai vakadzingwa neruzhinji muno, asi mitemo inovachengetedza,” vanodaro.

Vanoti kunyangwe zvazvo mhuri yekwaMupaiki ichinzi haisi kuwirirana, nyaya iyi inoda kugadziriswa.

“Kugona ngozi kuiripa chete kwete kutandidzira kana kuita zvimwe zvinhu. Mhuri iyi tinoda kugara nayo pasi voripa,” vanodaro Mambo Nyoka.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoyambira vanhu kuti vasatore mitemo vachiisa muhomwe dzavo vachiti mapurisa akamirira kusunga vanotyora mutemo nekuvaendesa kumatare edzimhosva.

Share This:

Sponsored Links