Diamond League: Bolt ombozorora

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Diamond League: Bolt ombozorora

Kwayedza

SHANGWITI yemujaho wekumhanya yekuJamaica Usain Bolt achatadza kupinda mumakwikwi eDiamond League sezvo anonzi anoda kumbozorora zvichitevera kukwikwidza kwakanyanya kwaakaita nguva pfupi yadarika.
Shasha yemujaho we100m wekumaOlympics, Bolt, achatadza kupinda mumakwikwi aya kunyangwe zvazvo akamhanya zvinodakadza musi weMugovera wadarika kumakwikwi akaitirwa kuPoland apo akapedza mujaho we100m nemaminitsi 9 pamwe nemasekonzi 98.

Zvakadaro, zano iri rakarongwa nemurairidzi waBolt, Glen Mills.

Bolt, uyo akapinda mumijaho mitatu chete mwaka uno, akatora menduru yegoridhe apo akamhanya nechikwata chekuJamaica che4 by 100m relay mumakwikwi eCommonwealth Games.

“Muviri waUsain wakashanda zvinodakadza mumakwikwi akawanda aaikwikwidza makore adarika uye zvakadai zvinofadza chose,” akadaro mukuru weDiamond league, Patrick Magyar.

“Asika uyu muviri hausi muchina,” akaenderera mberi.

“Kana mutambi pamwe chete nemurairidzi wake vemhando yakadai vachiti anofanira kuzorora hatipo pakupikisa izvozvo asi tinotozvitsigira zvakanyanya nekuti vanoziva zvavanenge vachizviitira.”

Zvakadaro, Bolt akangomhanya makwikwi e100m ekutanga mumujaho wekuratidzira hunyanzvi uyo uchaitirwa kuRio De Janeiro kumahombekombe kwenyanza paCopacabana musi waNyamavhuvhu 17 apo anogona kuzobudikira kumakwikwi ekuWarsaw zvakare.

Makwikwi aakapinda kekupedzisira akazvimiririra e100m  akaitwa kuBrussels gore rakapera. – BBC Sport.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey