Djokovic ofarira mwana

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

SHASHA yemutambo wetennis, Novac Djokovic, oti haana hanya nekuti akaita nhamba 1 kakawanda sezvo kuita mwana kanova kekutanga muhupenyu hwake kuri kumuzadza nemufaro wakanyanya.
Chizvarwa chekuSerbia, Djokovic (27), anoti kunyangwe zvazvo ava panhamba 1 pashasha dzemutambo wetennis pasi rose, hapana chiri kunyanya kumufadza kudarika kuberekwa kwakaitwa mwana wake.

Achapinda mumakwikwi ekutanga eParis Masters svondo rinotevera apo mudzimai wake, Jelena Ristic, akabva kusununguka mwanakomana uyo vakatumidza zita rekuti Stefan.

Philipp Kohlschreiber ndiye akatanga kutatsurana naDjokovic kubvira zvaakakundwa naRoger Ferrera kumakwikwi akaitwa kuShanghai svondo radarika.

“Ndiri kutonzwa kunge ndatoita nhamba 1 apo ndisati ndapinda mumakwikwi acho kubva zvakaberekwa mwana wangu, kubvira zvandakaita baba kanove kekutanga svondo radarika,” akadaro Djokovic.

Federer ndiye ari kufemera mugotsi maDjokovic apo akasiyiwa nezvibodzwa 90.

“Ndinoremekedza zvese zvinoitwa naFederer uye handifungi kuti makore ake okuberekwa ane basa pakugona mutambo kwake, ndinofunga kuti ari kutamba tennis yemhando yepamusoro gore rino zvinova zvakakosha zvikuru.

Zvakandikoshera kumira-mira muhupenyu hwemwana wangu napose pandinogona kubvira pakubudirira kwake, kuvandudzwa kwehupenyu pamwe nepakukura kwake kubva achiri mudiki.”

Mutambi wekuBritain, Andy Murray, ari panhamba 8 pashasha dzemutambo wetennis dzepasi rose uye achatanga kugadzirira kutamba naJulien Benneteau munguva pfupi iri kutevera. — BBC Sport.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey