Uncategorized

Docket rezvidhoma: Pamba paGogo pakaonekwa zinyoka

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

  • Muporofita akatambidzwa mari

  • Chembere ‘yakabviswa zvipotswa’

  • Mbuya vachiri kuoneswa moto

CHEMBERE iya yekuMsasa, muHarare, yekunovhurisa docket kumapurisa mushure mekunge yafemeswa nezvidhoma, nemusi weChipiri svondo rapera yakazoshanyirwa nemamwe maporofita ayo anoti akabvisa zvavaiti zvikwambo pamba apa zvisinei nekuti ambuya ava vanoti hapana shanduko iripo – ivo vachiri kungooneswa moto.

Maporofita aya, avo vaive vatatu, vakaenda kumba kwaMbuya Pelagia Munemo panhamba 56 Amby Drive, apo vanoti vakabata zinyoka, nyanga nemadumwa izvo zvavaiti ndizvo zviri kutambudza chembere iyi.

Pakaitika zvose izvi, Kwayedza yakanga ichiona, apo maporofita anoti Innocent Musvaba, Titus Mutendi neanozviti bishop Cuthbert Nyaruvenda (43), vechechi yeSangano Dzvene Revapostori, vaiita mabasa avo.

Maporofita aya akatanga nekunamatira mvura iyo vakazomwaya-mwaya mudzimba dzepamba apa. Vakazotanga nekubata zvavaiti madunwa mune dzimwe dzedzimba idzi, mushure ndokuzobata zinyoka iro raitotiza vachiita rekutandanisa.

Chakashamisa ndechokuti zinyoka iri, iro rakanzi imhungu, harina kumbobvira rasimudza musoro kuti riedze kuruma vanhu vakaribata sevanonzi vaibata huku ava.

Bishop Nyaruvenda vakati kunze kwenyoka nemadumwa, vakabvisawo zvipotswa pamuviri waMbuya Mumeno.
“Musha wambuya ava une vari kuuchiva kuti vagarepo saka vari kurwa vachishandisa zvidhoma zviri kunetsa izvi. Munhu ari kuita izvi tamuona asi hatitenderwi kumutaura zita rake nemitemo yedu.

“Nyoka yatabvisa iyi ndiyo yanga ichitora upfumi hwambuya vatabatsira ava, tsono dzataisa imhiko dzekuchengetedza musha kuti hapana chero chakashata kana vanoita zvemishonga vachasvika pamusha uno.

Hapana chichadzoka pano, tabvisa zvose. Isu kana tauya tiripo pakubatsira vanhu kuti vasanetswe nezvinhu zvakaita sezvemishonga uye hatina mari yatinobhadharisa,” vakadaro Bishop Nyaruvenda.

Asi ziso reKwayedza rakaona muporofita uyu achitambidzwa naMbuya Munemo mari yainge yakamonwa iyo akatyorera muhomwe.

Mutendi akatsinhira achiti nyoka nenyanga zvavakabvisa pamba apa ndizvo zvikwambo zvaitambudza Mbuya Munemo uye dambudziko iri rakange rapera zvachose.

“Zvikwambo zvinhu zvinoshandiswa nevanhu vanoita zvekuromba nekuita mabasa akashata. Zvinowanikwa zviri pakasiyana-siyana, chimwe chinowanikwa chiri senyoka seyatabata pano kana kuti zviri zvuma kana dumwa. Saka ndizvo zvange zvichitaura pamusha pambuya,” akadaro Mutendi.

“Chabviswa pamuviri waMbuya Munemo chuma chavanga vakaiswa sechitsinga kuti varware zvakare zvange zvichikonzeresa maminimini pamusha pavo kuti vasaita zvinoendeka muupenyu hwavo,” akadaro Mutendi.

Zvisinei kuti Bishop Nyaruvenda vanoti havabhadharise, vakaonekwa vachitambidzwa mari naMbuya Munemo iyo yavakati yakange iri US$30 yekuti vakwanise kudira mafuta ekufambisa nemotokari yavo. Asi pakumonwa kwainge kwakaitwa mari iyi, yairatidzwa kuti yainge yakawanda kudarika $30.

Nyoka nezvimwe zvinhu zvainzi zvaive zvabatwa pamba apa zvakazoiswa musaga uye maporofita aya vakati vaida kunozvipisira kunzvimbo ine rwizi vokanda dota racho mumvura.

Asi mushure menguva ingangoita awa rimwe chete maporofita aya abva pamba pechembere iyi, Mbuya Munemo vakaridza nhare kumahofisi eKwayedza vachiti kumba kwavo kwakange kusisina chakanaka, zvidhoma izvo zvichidya marasha.

“Zvatonyanduka, zvauya moto hakusisina kumira zvakanaka kuno. Maporofita aye azvidenha. Zvidhoma zviya zvava kurasa midziyo yangu yose zvichitenderera nemusha, tiri kurohwa kuno,” vakadaro Mbuya Munemo vachikoka vatori venhau.

Vanoti mwanakomana wavo, Mobby Muridzo, uyo wavanogara naye ndiye akatanga kuona mhuka dzine chimiro chisinganzwisisike mushure mekunge maporofita aya achangobva.

“Mwana angoti achicheuka obva achema achiti ari kuona zishiri nezikatsi zvitsvuku zvine mazino. Zvidhoma zviye zvanyanduka, zvava kunditukirira zvichiti watidenha.

“Zviri kuti, ‘Wapinda nemwenje mudziva kunyenga mukadzi wegarwe, takuudza wani kuti zvin’anga zvako nezvimaporofita zvako hazvishande.

“Tanga tichikuonai hedu muchiita zvamanga muchiita, manje hamutibate’,” vakadaro Mbuya Munemo.
Vanoti vakachaira maporofita aya nhare vachivaudza kuti zvidhoma zvakange zvatanga zvakare asi ndokuudzwa kuti vaisakwanisa kudzoka nekuti vakange vari parwendo.

“Ndavachaira nhare vachangobva pano vakati tiri munzira kuenda kuDomboshava kugomo guru kunopisa nyoka nemadumwa zvatabata pamba penyu,” vakadaro mbuya ava.

Kwayedza payakachaira Bishop Nyaruvenda nhare ichida kunzwisisa kuti sei zvidhoma izvi zvichiri kutambudza Mbuya Munemo asi ivo vachiti vakazvibvisa, vakati zvakange zvapotera pane mwanakomana wavo, Mobby.

“Zvidhoma izvi zvakagadzikwa pana Mobby. Saka mwana uyu ndiye anoda kushandwa uye ndichahaka mweya wacho.”

Bishop Nyaruvenda vanoti vakawana mukana vachadzokera kumba kwechembere iyi.
Zvisinei, pavakabvunzurudzwa kuti sei pavakaenda kumba kwaMbuya Munemo vakange vasiya vati dambudziko iri rapera, vakatanga kuti pamunhondo, pamusasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>