Uncategorized

Dombo ragadzira sangweji nemuporofita

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Dombo ragadzira sangweji nemuporofita

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
VANHU vazhinji mazuva ano vari kutsvaga Mwari. Vamwe vakamuwana, vamwe vakambozorora vagozosimudzira kumutsvaga. Vamwewo vari kutevera maporofita anoti anozivana naMwari.

Pakutsvaga Mwari pane vamwewo zvakare vakafanana naSauro vari kuenda kun’anga yekuEndori vachitonoita zvekumubvunzira.

Kutsvaga Mwari hakuna kumboipa nekuti kuziva Mwari ndihwo hupenyu. Uyewo, shoko rinoti Mwari vachaparadza vaye vanotsauka kubva pakutevera Jehovha, uye vasingatsvage Jehovha kana kubvunza kwaari.

Saka kutsvaga Mwari kwakakosha zvikuru, asi dzimwe nguva dzimwe nzvimbo dzatinotsvaga Mwari madziri dzinofanana nekutsvaga sipo yawira mudziva. Kutsvaga Mwari mumakomo kune kunyeperana, nekuti vanokwira makomo semuporofita wekuzombandidzirwa vanenge vachitsvaga masimba!

Asika, Mwari haanzi masimba, uye haagare mumakomo sanamukanya. Mwari mweya, uye anowanikwa muBhaibheri, mushoko rake kwete mumapako nemuninga dzakavigwa vashakabvu.

MuBhaibheri imomo ndimo Mwari maakati muchanditsvaga mukandiwana, kana muchinditsvaga nemwoyo yenyu yese. Asika, kutsvaga kunoda uchiziva chauri kutsvaga, nekuti Jesu anoti, “Ndini nzira nechokwadi uye nehupenyu. Hakuna munhu angauye kuna Baba asina kuuya nekwandiri.”

Vakachenjera vane chirevo chinoti, “Kana usingazive kwauri kuenda, chero nzira ipi yawatora inokuendesa kwauri kuenda kwacho.” Eheka, nekuti hauzive kwauri kuenda.

Asi kana Jesu ari nzira, uye isu tiri maKristu, tinodireiko kufamba tichienda kuna Mwari nedzimwe nzira dzinozotisiya tiri sangweji iri pakati pemabwe?

Chandinoziva ndechekuti kana uchitsvaga Jesu haurasike, asi usamutsvage kuvakafa nekuti mupenyu! Pane vhesi rinodiwa nevanhu vakawanda rinoti, “Ndotarisa kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.”

Makomo inzvimbo dzakakwirira, asi hadzisi nzvimbo dzinoita kuti kana wakwira, wave pamusoro-soro pegomo uswedere pedyo naMwari kana kuti ubudirire.

Vanhu vakare munyika ino nemunyika dzeBhaibheri vaishandisa makomo nenzvimbo dzakakwirira kupira midzimu nekuita zvibayiro.

Vaishandisa makomo kuviga vafi nekunoita mhiko. Asi vazhinji vaiita minamato nekupira mumakomo vaipira kuzvimwari zvakasiyana-siyana.

Bhaari ainamatirwa munzvimbo dzakakwirira. Temberi yaJehovha isati yazovakwa muJerusarema, vaIsiraeri vaiwanzoitira zvipiriso zvavo kuna Mwari mumakomo nemunzvimbo dzakakwirira. Mushure mekunge temberi yazovakwa, vanhu vakanga voshandisa temberi kuita zvipiriso kuna Mwari.

Ndizvo zvinoita kuti muimbi wePisarema 121 ati, “Ndotarisa kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepi?” Ari kuti ndaita muyedzo wekuda kuenda kunobvunzira kumakomo, asi anobva akurumidza kuzivisa kuti makomo haana chaanomubatsira nacho. Ndipo paanozoti rubatsiro rwake runobva kuna Jehovha akasika denga nepasi, kusanganisira makomo acho.

Mukadzi muSamaria akanga akafanana nevamwe vanhu venguva ino vanofunga kuti Mwari anowanikwa mumakomo. Asi Jesu akazomuti, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema . . .”

Mwari haawanikwe mumakomo anoyera. Mwari mweya, zvichireva kuti makomo haana basa, inga Jesu akati vanonamata Mwari vachamunamata mumweya nemuzvokwadi.

Kana ukakwira mumakomo anoyera uchitsvaga masimba, uchawana masimba ezvakavigwa mumakomo imomo.

Mumakomo, ninga nemapako mune mweya mizhinji yakare-kare yakazviwanira misha yekugara. Iwe ukasvika munzvimbo idzi uchitaura kuti unoda masimba, uchavhurira mweya irimo misuwo yekuti ipinde mauri. Kana mweya iyoyo yapinda mauri, uchaburuka mugomo mave vashanu, vanhu vagoti kwaita muporofita wemandiriri anoona, asi kana ukaverenga kuna Mabasa aVapostori 16:16, uchadzidza kuti kana madhimoni anoporofitawo.

Chenjererai tsananguro dzemweya yakabva kumakomo!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>