Uncategorized

Doro, bute nechivanhu: hochekoche iri papi?…‘Pasina hwahwa zvinhu hazvifambe’

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Doro, bute nechivanhu:  hochekoche iri papi?…‘Pasina hwahwa zvinhu hazvifambe’ VARUME ava vainwa doro rechivanhu kuGandavaroyi, kuGokwe nguva yadarika

Kwayedza

VARUME ava vainwa doro rechivanhu kuGandavaroyi, kuGokwe nguva yadarika

VARUME ava vainwa doro rechivanhu kuGandavaroyi, kuGokwe nguva yadarika

POSE panoitwa mabasa echivanhu, kungava kumaruva kana mumaguta, pane chinhu chimwe chete chinonzi hachidi kushaikwa — doro kana kuti hwahwa.

Unoona vamwe vanhu vachidhakwa zvekushaya kuziva kwekuisa misoro pamabasa echivanhu.

Wozvibvunza kuti ihwo husahwira hwedoro nechivanhu hunombori papi chaipo?

Pose panoitwa basa guru rine chekuita nechivanhu doro ndiro rinosusukidzwa mberi. Kupira midzimu, kurova makuva, kugadza madzishe, mapira aakaita semikwerera — kana parufu chaipo — doro harishaikwe. Regai vamwe vachizoriti “mvura yehungwaru”.

Doro rinonzi re‘‘Seven days”, iro rinotora mazuva manonwe kuti riibve uye richizivikanwazve nekuti “rematanda”, ndiro rinonyanya kushandiswa mumabasa echivanhu akaita sekupira midzimu. Pamusoro pezvo, dzimwe nyanzvi dzinoti ose mabasa echivanhu anotungamidzwa doro mberi, fodya yebute inokosheswawo.

Kwayedza yakatsvaga chinoita kuti doro kana kuti “manginde” rifambidzane nechivanhu ikanzwa mavhu nemarara.

Mbuya Ennie Choenda (82) vekwaNyamburi, kwaMurehwa, vanoti hakuna chivanhu chinoitwa pasina doro re‘‘Seven days”.

“Doro rechivanhu nebute ndizvo zvatinogona kuti pasipoti munyaya yekutaurirana kwevapenyu nevashakabvu izvo zvisingashupe vanhu vakazvitevedza nemazvo,” vakadaro Mbuya Choenda.

Vanoti tsika dzevatema dzekutaura nevafi dzakada kufanana kunyangwe zvazvo zvichisiyana zvishoma zvichienderana nemarudzi.

“Seni ndiri wekuMalawi, tine maitiro edu asi doro rechivanhu rinodiwa,” vakadaro.

Vanoti doro rechiRungu rakaita seriri mumabhodhoro neremasese rinotengwa rinozowedzerwawo zvaro kana kuine vaye vasinganwe “Seven days”. Vanotizve kune vamwe vanotutsirawo nechikokiyana icho chinozivikanwa nekuti chi‘‘One day” sezvo chichibikwa nezuva rimwe chete.

VaBonface Katerere (62) vekuUzumba vanoti doro rinoshandiswa zvinhu zvakawanda pachivanhu.

“Tine mhando dzedoro dzakasiyana pakufambisa chivanhu. Tine doro rinonzi rehonye kana rendongamahwe iro rinobikwa pakupfukudza tsoka dzemunhu achangofa. Doro iri rinozobikwa vanhu vafamba kutsvaga kuti munhu akafa nei uye kune dzimwe nzvimbo rinobikwa nezviyo chete. Asi kumwe vanosanganisa nemapfunde kana chibage,” vakadaro.

Vanoti panobikwa doro iri pane rimwe rinonzi rekudzora mweya wemunhu mumusha iro rinobatanidzwa nerezviyo chete.

“Tine rimwewo doro rekupembedza mashavi rinonzi doro rematawi, tine rebira, remukwerera, remvura nedzimwewo mhando dzakatsaukana.”

VaKaterere vanoti kazhinji panoitwa chivanhu, dzimwe mhando dzedoro dzakaita sechikokiyana hadzibvumirwe. “Kune vane mashavi edona kana achipembedzwa panobikwa kudya kwakaita semupunga nenyama vanhu vachidya nezvipunu. Mashavi echichena aya, zvisinei kuti anosvikawo kuvanhu vatema. Shavi iri rine utsanana hwakanyanyisa uyewo panonwiwa doro rechiRungu semakotsi nemapainzi,” vakadaro.

Vanotiwo kune vanosvikirwa neshavi renjuzu vanopira nedoro re‘‘Seven days” vamwewo nedoro rechiRungu.

“Tinoona vamwe vanotenga mupunga nedoro rechiRungu pamapira emashavi enjuzu, kusiyana kwazvo. Asi ini ndinoziva kuti njuzu inobikirwa doro re‘Seven days’. Hamheno vamwe vanonzi vanozotengawo zviwitsi nemabhisiketsi. Tinoona vamwe vachizviita saka ndichiti zvimwe zvinosiyana,” vanodaro VaKaterere.

Madzibaba Passmore Chinovava (32) vechechi yeJohane Masowe yeChishanu yeNguwo Tsvuku, vanoti kune maporofita ane mashavi enjuzu.

“Mashavi enjuzu anobata kumaporofita mazhinji ekuchechi kwedu asi hatibike doro. Shavi irori rinoshanda muhuMwari pasina dambudziko,” vanodaro. Mambo Chundu, VaAbel Mbasera (42) vekuHurungwe, vanoti hakuna chivanhu chinoitwa pasina doro re’Seven days’.

“Pakugadzwa kwemadzishe panotobikwa doro re‘Seven days’ izvo zvinoitwa nechembere dzaguma kuzvara uyewo zvichitsigirwa nevazukuru, masahwira nemasvikiro.

“Mubasa rose rechivanhu hamudiwe doro rakaita serechikokiyana, remasese rekutenga nerimwewo remazuva ano seZed kana kuti Kirango. Asi kune mamwewo mashavi anoda doro rechiRungu anosanganisira enjuzu neredona, kusiyana kwazvo,” vanodaro.

Mbuya Marita Ried (52) vekuChitungwiza, vanotiwo doro rechivanhu rinokosheswa zvikuru.

“Tine mashavi ekuba chaiwo, apo makororo anowanikwa achiita bira kana kupembedza mashavi avo kuti afambire mberi zvichitotambirwa nevadzimu vavo. Munoona kuti vanhu ivava vanonetsa kubatwa kwavo nemapurisa kana mhosva dzavo dzinonetsa mumatare edzimhosva, vazhinji vavo vanoguma mhosva dzavo dzaraswa,” vanodaro. Vanoti kune vanhukadzi vanobikawo doro rekupembedza mashave avo echipfambi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>