Doro nekunwa maARV hazvifambirane

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Doro nekunwa maARV hazvifambirane

Kwayedza

Kurarama Neutachiona hwe HIV muina Catherine Murombedzi
VANHU vazhinji vanoraradza nekunwa doro zvakapfurikidza vanokanganwa kunwa maARV emanheru mushure mekunge hwahwa kana zvinodhaka zvava kutonga.

Izvi hazvikurudzirwe uye zvinokonzera hurwere kana kutoenda kwamupfiganebwe chaiko.

Takarasikirwa nasekuru vedu vaigara kuMabvuku, muHarare mugore rapfuura nenhau iyoyi yekuraradza vorega kunwa mushonga sezvakatarwa. Vainwa mapiritsi kaviri pazuva mangwanani na7 uye manheru na7 zvakare. Piritsi remangwanani vainwa zvisina dambudziko asi kugeda-geda kwaizouya husiku apo 7 dzaizosvika mukuru araradza asisazive kana zita rake.

Sekuru vainge vaita rombo rakanaka rekutanga kuve mumwe wevanhu vakaiswa pamushonga kuchipatara cheHoward kuChiweshe mugore ra2003. Dai zvisina kudaro vangadai vakaimbirwa Maria naMarita nekuti hurwere hwakanga hwagodza hwoti chikosoro cheTB nekuva neutachiona hweHIV pamwe chete.

Pasina gore vakasimba kuita chigwindiri kutodarika zvavakanga vagara vari kweupenyu hwavo hwose.

Munongozivawo kune vamwe vanokanganwa chazuro nehope, naizvozvo sekuru vakatanga kunwa doro mugore ra2012 zvakapfurikidza zvaireva kuti piritsi remanheru vakanga vasisanwe.

Sangano reReuters Health mutsvakiridzo yavakaita vakazivisa kuti chidimbu makumi mashanu kubva muzana (50 percent) chevanhu vanonwa maARV vanokanganwa kunwa mapiritsi avo apo vanenge vararadza.

Vanoti izvi zvinokonzera kututuma kweutachiona hunozovhiringa utano hwakanaka hwemunhu. Vanhu 200 avo vanorarama neutachiona vakaiswa muchidzidzo ichi vakaonekwa kuti 51 percent vavo vaiita mutemarege nemapiritsi mushure mekudhakwa.

Izvi zvakatariswa kwegore rese.

Vamwe ndevaitonwa mapiritsi acho nedoro kwete nemvura zvinove zvine njodzi huru nekuti hauzivi kuti mapiritsi akasangana nedoro anoburitsa chii zvimwe anogona kutove chepfu. Chikamu ichi che51 percent chakawanikwa chiine utachiona hwaitutuma iyo yavanoti pachirungu ‘high viral load’.

Seth Kalichman, muzvinafundo paUniversity yeConnecticut uye vari munyori mukuru mutsvakiridzo iyi vanoti vanhu vanonwa mapiritsi angave api zvawo vanoda dzidziso izere nekuti dambudziko ririko chokwadi sezvakaonekwa mukuferefeta kwavakaita.

“Njodzi inokonzerwa nekusanwa mapiritsi mushure mekunge munhu adhakwa ihuru zvinozoonekwa muchiropa chemunhu anorarama zvakadai,” vakadaro Prof Kalichman vachitaura neReuters Health.

Sangano reWorld Health Organisation rakazivisa mugore 2011 mamiriro ehutano hwepasi rose kuti doro rinouraya vanhu vakawanda kupfuura TB neutachiona hweHIV.

Mugore 2004, vanhu vanosvika 2,25 miriyoni vanonzi vakafa nenhau yemukombe iyoyi, hunove huwandu hwakapetwa kaviri kudarika avo vakafa nekuda kweTB neAIDS.

Doro rinoita kuti munhu arase pfungwa, rinosakadza chiropa, mwoyo, matumbu neitsvo.

Chiremba mukuru wekuZambia, Dr Manasseh Phiri, vanoti hukama hwedoro nekunwa maARV hausi kubuditswa pachena zvakakwana nekuti zviviri izvi hazvidyidzane.

VaPhiri vakataura mashoko aya nguva yadarika kuMangochi, Malawi kumusangano wakaitwa neWorld Council of Churches yakabatana nesangano reEHAIA.

“Munhu anonwa doro anoita hunhu hwakasiyana nehwaanoita asina kudhakwa naizvozvo kushanduka kwehunhu uku kune tsekwende. Munhu akararadza haagoni kuzvidairira kana kuita sarudzo yaanoti hongu ndini uye ndinoita sarudzo iyoyi kunyangwe ndisina kudhakwa.

‘‘Tinotonzwa kana kumatare edzimhosva kuchinzi aregerwa nekuti akazviita akadhakwa,” vakadaro Dr Phiri.

Vanoti utachiona hutsva hweHIV huri kubatwa nevanhu vanenge vakadhakwa uye kunyangwe zvazvo senyika vasati vambozvitsvaga ichi ichokwadi.

“Vanhu vakawanda vanotaura kuti vanofanira kunge vakabata utachiona hweHIV mushure mekudhakwa nekuti vainge vasisazive zvavari,” vakadaro Dr Phiri.

Vakatsinhira kuti zvipatara nemakiriniki zvinofanira kudzidzisa varwere njodzi iripo pakusanganisa zviviri izvi. Kune vanhu vanonwa mapiritsi kweupenyu hwose vanofanira kuziva kuti chiropa, itsvo zvinoshanda zvakanyanya nechekare mukugaya mishonga naizvozvo mutoro wakakura nekuwedzera doro pamusoro zvine makuva.

Vamwe vakaenda kwamupfiganebwe nenhau yedoro naizvozvo kana uchinwa mapiritsi regera kusanganisa nedoro. Vane nzeve dzekunzwa vanzwa.

 Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>