Dudley Hall yakapa shasha mibairo

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Dudley Hall yakapa shasha mibairo

Kwayedza

VABEREKI vanokurudzirwa kuti vashande pamwe chete nevadzidzisi mukusimudzira fundo yevana vavo. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera naVaVengesai Chiwawa, vanove area sales manager weBakers Inn muHarare, apo vaive muenzi anoremekedzwa pakupihwa kwemibairo kuvana vepachikoro cheDudely Hall, kuNorton.

“Dzidzo yakakosha mukuvandudzwa kweupfumi hwenyika. Naizvozvo varairidzi vanofanira kushanda pamwe chete nevabereki mukuvandudza mashandiro anoita chikoro nedzidzo yevana. Vana vatiri kupa mibairo ava ndivo vatungamiriri vamangwana,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wemukuru weDudely Hall, VaAblbert Mvundura, vanoti chishuwo chavo ndechekuti chikoro chavo chirambe chiri pamusoro panyaya dzedzidzo mudunhu iri.

IZVI ndizvo zvimwe zvaiitika pachikoro cheDudley Hall kuNorton svondo rapera apo vana vakakunda vamwe muzvidzidzo zvakasiyana vaipihwa mibairo.

IZVI ndizvo zvimwe zvaiitika pachikoro cheDudley Hall kuNorton svondo rapera apo vana vakakunda vamwe muzvidzidzo zvakasiyana vaipihwa mibairo.

“Kupa vana mibairo ndiyo imwe yenzira inoita kuti vade kushingirira muchikoro uye zvinoita kuti tirambe takatungamirira zvimwe zvikoro munyaya dzekudzidza.

“Mibairo yavanopihwa iyi inoita kuti varambe vachifarira kudzidza zvichiitawo kuti vawedzere kugona pamwe chete nekuti chikoro chedu chirambe chiri pamberi munyaya dzekudzidza,” vanodaro.

VaMvundura vanoti zvakare vana vepachikoro chavo vanoshanya kunzvimbo dzakasiyana izvo zvinovapa mukana wekudzidza zvakawanda.

“Chirongwa chatinoita chekuti vana vaende kunzvimbo dzinoyevedza munyika muno chiri kubatsira nekuti vanenge vachidzidza zvakawanda, kunyanya muzvidzidzo zvakaita seContent. Chirongwa ichi chinoitwa nevana kubva paECD kusvika Grade 7. Izvi zvinoonekwa nekuti makore mashanu ose apfuura aya, pachikoro chedu vana veGrade 7 vanga vari kupasa nechikamu che100%,” vanodaro.

VaMvundura vanoti pachikoro pavo vanoda kuti paiswe juraworo senzira yekuchengetedza vana pamwe kugadziriswa kwenzvimbo yekuti vana vapote vachituhwinha nezvimwewo.

 

Share This:

Sponsored Links