‘Dzidzisai vana tsika nehunhu’

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘Dzidzisai vana  tsika nehunhu’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MAMBO Seke, VaStanely Chimanikire, vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvibatsire mukudzoreredza vana kuburikidza nekuvadzidzisa hunhu, tsika nemagariro anoyemurika.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana, dzeChitungwiza District Merit Awards idzo dzakaitirwa paAquatic Complex, kuChitungwiza.

“Hunhu hwedu huri kuyeredzwa nechizvino-zvino zvakanyanya. Vezvikoro basa guru rava kwamuri, kuti mudzoreredze tsika dzayerera idzi kuburikidza nezvidzidzo zvakanangana netsika nemagariro echivanhu chedu. Vana vanotoda kuti vazive tsika dzacho vachiri kuyaruka,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kuzvikoro ndiko vana kwavanopedzera nguva yavo zhinji vari, saka ndiko kwavanofanira kuwanawo dzidziso iyi zvakare. Ndinodawo kutenda Hurumende nekupa kurudziro kwairi kuita kuti vana vadzidziswe tsika nehunhu hwakanaka.

“Izvi zvakanaka nekuti zvinoderedza makororo mune ramangwana. Kana huwori chaihwo hunoderedzwa nekuti hunhu hwakanaka hunodzidzisa mwana kuti huwori chinhu chakashata.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera vachiti vana vanofanira kuramba vachidzidziswa hunhu hwakanaka sezvo chiri icho chimwe chezvinangwa zvikuru zvegwaro idzva rekuvandudza dzidzo, reNew Curriculum.

“Ndinofara zvikuru pakuti zvikoro zvese zvemuChitungwiza zviri kuita mitambo pamwe chete nekukurudzira zvechivanhu kuburikidza nemakwikwi akasiyana-siyana. Zvose izvi zviri kuzadzikisa zviri muhurongwa hweNew Curriculum.

“Ndinoti hunhu hwedu hunoumbwa nekuratidzwa kuburikidza nezvese izvi zvinenge zvichiitwa mumakwikwi aya nevana uye zvakanangana nekuchengetedza chivanhu chedu,” vanodaro VaKateera.

Vanotiwo kubatana kwevabereki, vadzidzisi nevakuru vezvikoro ndiyo chete nzira inosimudzira dzidzo munyika.

“Ndinoda kukurudzira kubatana kwakanyanya pakati pevabereki, varairidzi pamwe nevakuru vezvikoro mukusimudzira dzidzo muzvikoro. Panofanira kuva nesungawirirano muzvirongwa zvakanangana nekusimudzira dzidzo muzvikoro pakati pemapoka ose aya. Kubatana uku kunoita kuti kana paine matambudziko ari kusanganikwa nawo mudzidzo yevana, akasike kuonekwa,” vanodaro.

Distrcit Schools Inspector (DSI) vekuChitungwiza, Mai Anatoria Ncube, vanoti vanotarisira kuti dunhu ravo richavandudza hunhu hwevana kuburikidza nedzidzo inokoshesa tsika nemagariro echivanhu.

Vanotendawo vadzidzisi mukushanda kwavari kuita nesimba.

Share This:

Sponsored Links