Uncategorized

‘Dzidzo ikodzero yemwana’

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Dzidzo ikodzero yemwana’ Firsty Lady Amai Auxillia Mnangagwa vachifara nevana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti zvakakosha kuti vana vose vawaniswe kodzero yekudzidza vakasununguka kuitira kuti vave neremangwana rakajeka.

Vakataura izvi mumashoko avo ekucherechedza zuva guru revana, reWorld Children’s Day, iro rinopembererwa musi wa20 Mbudzi gore roga-roga pasi rose.

First Lady Amai Mnangagwa vanoti remangwana revana rinofanirwa kurongerwa.

“Chitsidzo chedu pari zvino ndechekuona kuti pasi rose mwana woga-woga ari kudzidza pasina matambudziko ekumbunyikidzwa. Hazvinei kuti mwana akazvarirwa kupi, asi vana vose vane shungu dzekuva neremangwana rakajeka.

“Mwana woga-woga ane kodzero yekuwana dzidzo yemhando yepamusoro nekurarama. Tinoda kurwisa zvose zvinoderedza budiriro yevana senzara, urombo uye kukurumidza kupinda muwawano,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation, vacharamba vachirwira nyaya dzebudiriro munharaunda kuti vana vange vachibudirira mukurarama kwavo, zvikuru avo vanobva kumhuri dzinotambura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey