‘Dzidzo inotanga neutano hwakanaka’

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Dzidzo inotanga neutano hwakanaka’ Health and Child Care Minister Dr David Parirenyatwa deliver his address during the official launch of the Zimbabwe school health policy at Blackstone primary school in Harare yesterday (Picture by Memory Mangombe)

Kwayedza

HURUMENDE neMuvhuro uno yakaparura chirongwa chekusimudzira nyaya dzezveutano muzvikoro icho chinodaidzwa kuti School Health Policy pachikoro cheBlackstone Primary School, muHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende yakaona zvakakodzera kuti chirongwa ichi chiitwe nenzira yakafanana muzvikoro zvose zviri munyika.

“Chirongwa ichi chakatanga mugore ra1999 asi change chava kuita sechisiko nepamusaka pekuti chikoro chimwe nechimwe changa chichingoita mazvake-mazvake.

‘‘ Tava kuda kuti zvinhu zviitwe zvakafanana muzvikoro zviri munyika yose.

“Tinoda kuti chirongwa ichi chipinzwe mubhajeti renyika, kuti chiwane rutsigiro rwemari, ndiko kuti chifambe zvakanaka. Dzidzo yemhando yepamusoro inotanga neutano hwakanaka hwemudzidzi nemurairidzi,” vanodaro.

Primary and Secondary Education Minister Professor Paul Mavhima deliver his address during the official launch of the Zimbabwe school health policy at Blackstone primary school in Harare yesterday (Picture by Memory Mangombe)

Prof Mavima vanoti mune zvimwe zvikoro kune varapi vakamiririra kubatsira vana vanenge vawirwa nedambudziko reutano asi kune zvimwe hakuna zvirongwa zvakadai, nokudaro ndizvo zvimwe zvezvinhu zvichange zvichitariswa kuti pasava nemusiyano.

Vanoti chirongwa chekusimudzira utano muzvikoro chinofambirana negwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti kana vana nevadzidzisi vakafundiswa nezveutano, Hurumende inorerukirwa apo inoita zvirongwa zvekudzivirira zvirwere muzvikoro.

“Munguva yadarika, taiva nezvirongwa zvekudzivirira zvirwere zvebilharzia kuvana, kuchecheudzwa nekudzivirira gomarara remuchibereko (Human Papillomavirus (HPV).

Zvinotanga nevana vechikoro zvichizoenda kuvabereki nekuti tichiri kusangana nematambudziko evamwe vabereki vari kuramba nevana vavo kuti vapinde muzvirongwa zvekudzivirirwa kwezvirwere muzvikoro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Asi kana mudzidzi achinge ava kuziva maringe nenhau dzeutano anotosandura pfungwa dzevabereki vake kuti abatsirikane,” vanodaro.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology & Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanotenda Hurumende nekuwanisa vana chikafu muzvikoro vachiti izvi zvinobatsira mukuderedza zvirwere pamwe nekunyuka kwekwashi muvana.

Zvichakadai, chikoro cheBlackstone Primary School chinopembedzwa nekutsigira kwachinoita zvirongwa zveutano.Vana vepaBlackstone

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>