Dzidzo itsva neStem

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naChiremba

UPFUMI hwenyika ndiro keke rejekauchisiya rinoraramisa munhu wose. Kana keke iri risina kukura zvekugutsa munhu wose zvakaita reZimbabwe, panenge paita mbunambuna. Panenge potoda mushonga wekudhadhamura kana kufutunudza keke iri.

Ipapo ndipo panodaidzwa dzidzo itsva iyi kuburikidza nezvinodzidziswa vana zvakanangana neruzivo rwekuvamba nekufambisa mabhizimusi.

Mabhizimusi amazuva ano ave kudaidzira munhu ane zvaanoziva maererano nemabhizimusi kwete kungoti ndakaita Fomu 4 kana Fomu 6 chete, izvi hazvina kukwana. Dzidzo itsva kusiyana neyekare, yave kukoshesa zvidzidzo zvinosimudzira kuvambwa, kuvandudzwa nekufambiswa kwamabhizimusi. Zvidzidzo izvi zvinosanganisa kudzidzwa kwenhamba, sayinzi, zvemichina/tekinoroji, nemaatsi.

Tsvagurudzo yakaitwa naWagner muna 2012 yakaratidza kuti zvidzidzo zvandadoma izvi zvinopa vana unyanzvi huzhinji hwakakosha mune zvemabhizimusi.

Unyanzvi uhu hunosanganisira kufunga zvakadzika uchicherechedza chakanakira chinhu nechachakaipira, kukwanisa kugadzirisa matambudziko, hutungamiri hwakanaka, kukwanisa kutaura nekunyora pfungwa zvakajeka uye zvine unyanzvi, kukwanisa kunyatsoongorora zivo yakapiwa uye kufunga zvekuita kana zvinhu zvaoma, munhu aita seadhumira asisina kwekuenda.

Zvidzidzo zvendataura pamusoro zvinodaidzwa nezita remadunhurirwa rekuti “STEAM”.

Dzidzo itsva iyoyi inowedzera dzidzo yevana yezvemabhizimusi nenzira dzakawanda. Imwe yacho ndeyekuti dzidzo iyi yakarongwa zvekuti vana vane zvipo izvi vanokwaniswa kutariswa nekunyururwa kubva muruzhinji rwevadzidzi vopiwa mukana wekudzidza neunyanzvi ndima yavo iyi.

Imwezve nzira ndeyekuti vana vanopota vachienda kumaindhasitiri kana mabhizimusi ari kutoshanda vachiona zvavanodzidza kuchikoro zvichinyatsoshandiswa pabasa.

Izvi zvinokwaniswa kuitwa mumazuva manganingani kana panguva refu zvichiita nekuti chii chiri kuda kudzidziswa uye chakaoma zvakadii.

Kana mwana adzidza kune vanenge vachiita, uye iye achitomboita basa racho, kana asiya zvechikoro anokwanisa kunotanga basa sezvo anenge ane ruzivo rwakati kuti uye pekutangira.

Muchikamu chinotevera tichatarisa kuti mudzidzi anofanirwa kubuda muchikoro akabatei.

Share This:

Sponsored Links