Dzidzo ndiyo nhomba ingabaiwe mwanasikana

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Dzidzo ndiyo nhomba ingabaiwe mwanasikana

Kwayedza

cathrine
TINOZIVA kuti mumakore makumi maviri apfuura tichidzokera shure vana vaibayiwa nhomba kudzivirira zvirwere, kusanganisira vakuru.
Nanhasi uno vana vanobayiwa nhomba yeBCG pakuberekwa, vozobaiwa yegwirikwiti uye chikosoro cherurindi nedzimwe nhomba dzinodzivirira zvirwere.

Panozorwara mwana akabayiwa nhomba, chirwere chinouya chisina simba nekuda kwedziviriro iya.
Mwana akadzivirirwa gwirikwiti anogona kudziya muviri bedzi motozonzwa navanamukoti kuti igwirikwiti nekuti rinenge risina kubuditsa mhezi. Tinoona kuti kubayisa mwana jekeseni irori regwirikwiti chinhu chakanaka uye chinopa utano hwakanaka.

Svondo rakapera, sangano remubatanidzwa wemasvondo epasi rose reWorld Council of Churches (WCC), richikutana neveEcumenical HIV/AIDS Initiative in Africa (EHAIA), vakaita musangano kuMangochi kuMalawi.

Kumusangano uyu, vakuru vezvitendero vanosvika makumi mashanu vakaita mazuva matatu vachikurukura nezvedindingira raive pamusoro pekodzero dzeutano hwesikarudzi, mhirizhonga mudzimba pamwe neutachiona hweHIV (Transformative Masculinities, Reproductive health rights, gender based violence and HIV).

Ndakaita rombo rakanaka kuve mumwe wevatori venhau vaive vakakokwa kumusangano uyu. Mukuru anoona nezvedunhu reEastern and Southern Africa UNAIDS ESA, Sophia Mukasa Monico, akataura kuti dzidzo ndiyo bedzi jekiseni ringabaiwa mwanasikana kubva murushavashava nenhamo dzeupenyu dzakatarisana naye.

“Dzidzo ndiyo yega ingava jekiseni (vaccine) ringabayiwa mwanasikana kuti azvinyukure kubva munhamo uye kuti ave nenguva yekuzvipa kuve nesarudzo izere muhupenyu,” akadaro Monico.

“Mwanasikana akadzidza ane nguva ndefu yekutsvaga sarudzo pakuroorwa. Haamhanyire kuroorwa achitiza nhamo asi kuti anoroorwa nekuti anenge achida mudiwa wake. Mwanasikana akadzidza ane simba rekusarudza nguva yekubereka uye simba pakushandisa mari. Mwanasikana akadzidza ane sarudzo yehupenyu uye nenhengo dzemuviri wake nekuti anotaurirana nemurume wake nguva yakakodzera kuronga mhuri.”

Vanasikana vakawanda vanopinda muwanano sekutiza nhamo kwete kuti ndiyo sarudzo yakanaka asi panguva iyoyo nekuda kwekushaya dzidzo vanowira munhamo dzinowanikwa mukuroorwa.

“Mwanasikana anowanikwa ari pasi pemakore gumi nemasere haana sarudzo yaanogona kuita muwanano, kunyanya aroorwa nemunhu abve zera. Mwanasikana iyeye haanazve simba rekusarudza bonde rakadzivirirwa nekuti iye haasi kutorwa semudiwa ane kodzero asi semushandi uye dzimwe nguva kuitwa semwana anotoita zvekufungirwa,” akadaro Monico.

Akati zera riri kuwanikwa riine utachiona hwakanyanya hweHIV ndere vasikana vari pamakore gumi nemashanu kusvika makumi maviri nemana okuberekwa.

Akataurazve kuti Southern Africa ichiri mudambudziko guru rekuedza kukunda denda reHIV neAIDS. “Southern Africa ichiri mukati medambudziko guru rekurwisana nedenda reHIV neAIDS naizvozvo tinofanira kupfeka magirazi ekutarisa dambudziko redu iri pamwe chete sedunhu,” akadaro.

Nyika dzinoti South Africa, Namibia, Botswana, Zambia, Malawi neMozambique dzichine utachiona hwakakura nyangwe zvazvo huri kudzika pasi. Nyika dzese idzi dzine utachiona huri pamusoro nezvikamu gumi kubva muzana.

Monico akati vatungamiriri venyika dzepasi rose vanofanira kuzadzisa zvitsidzo zvavanenge vakanyorerana pasi.
“Tinochemera kuti vatungamiri vazadzise zvibvumiro zvavanenge vakatara kumisangano yepasi rose. Abuja Declaration inoti nyika dzavo dzinozopa chikamu chegumi nechishanu chebhajeti renyika mukusimudzira nyaya dzeutano asi izvi hazvisi kuitika.

Tinokumbirisa vazadzise zvavakatenderana,” akadaro Monico.
Mhuri yese ikaona kuti mwanasikana awana dzidzo yakafanana neyemwanakomana tinokunda dambudziko rekukasira kuroorwa kwevana.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey