Dzidzo ngaifambirane nemabasa – Murwira

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Dzidzo ngaifambirane nemabasa – Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Ngobile Tshili

HURUMENDE inoti musiyano uripo pakati pehunyanzvi hwekuita mabasa akasiyana nedanho rekufunda unoda kudzikiswa sezvo chikamu chinodarika 50 percent chevanhu vakadzidza vasina ruzivo rwakadzama rwemabasa ekuti vakwanise kuzviraramisa nawo.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandundwa kweruzivo rwezvemuchina, Professor Amon Murwira, vanoti chikamu chevanhu vanogona kuverenga nekunyora munyika muno – icho chiri pakati pe94 ne96 percent – chinopa mamimiro ezvinhu asiriwo chaiwo maringe nevanhu vane hunyanzvi hwemabasa avo vanove pachikamu che38 percent.

“Chinangwa chedu pachapera makore mashanu ari kutevera ndechekuti dzidzo yemuZimbabwe ienderane neyepasi rose,” vanodaro.

“Pari zvino ruzivo rwekuita mabasa akasiyana ruri pa38 percent asi vanhu vanogona kuverenga nekunyora vari pachikamu chiri pakati pe94 ne96 percent. Izvi zvinoreva kuti pane mukaha we58 percent unoda kuzadzikiswa nekuti kana tichikwanisa kuverenga nekunyora uye tiine ruzivo rwemabasa, tinova nyika yakadzidza.

“Kana muri nyika ine vanhu vanogona kuverenga nekunyora chete, hazvirevi kuti muri nyika yakafunda kana pasina ruzivo rwakadzama rwemabasa akasiyana.”

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kuvhara mukaha uyu kuburikidza nekugadzirisa matambudziko ezvivakwa akatakarisana nezvikoro zvedzidzo yepamusoro, kuve negwara rakajeka rekusimudzirwa kwevashandi nekupa vadzidzi zvikwereti zvekuvatsigira mufundo yavo.

Vanotizve chinangwa chavo ndechekuti bazi iri ribatsire mukusimudzira nyaya dzeupfumi munyika.

“Tinofanira kuenderera mberi nenyaya dzekusimudzira maindasitiri kuburikidza neruzivo. Zvazvinoreva ndezvekuti tichange tichipedza kuvaka mizinda yekuitira zvidzidzo zvemabasa emaoko yemaInnovation Hub.

“Takazviita kumayunivhesiti matanhatu eHurumende, tichazviita zvakare kune mamwe mayunivhesiti ose, zvichireva kuti tichazviita kumayunivhesiti masere asara,” vanodaro Prof Murwira.

MaInnovation Hub mizinda yekuti vadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro vange vachidzidza nezvemabasa emaoko uye muzinda wepaMidlands State University wakakumikidzwa muna Chikumi gore rino.

Mimwe mizinda yemhando iyi ichiri kuvakwa kumayunivhesiti akasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links