Dzidzo ngaiumbe vana – Kateera

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Dzidzo ngaiumbe vana – Kateera CHRISTOPHER KATEERA

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUKURU wedzidzo muHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti mubatanidzwa wezvidzidzo zveScience, Technology, Engineering, Arts neMathematics (STEAM) unofanirwa kusimbaradzwa pamwe nekuvandudzwa sezvo iri iyo nzira inoita kuti vana vakwanise kuwana mabasa mune ramangwana uye kuzvitangira mabhindauko voga.

VaKateera vakapa kurudziro iyi pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana vakabudirira muzvidzidzo, dzeHighglen District Merit Awards idzo dzakaitirwa paGlen Norah 2 High School, muHarare svondo rapfuura.

“Ndinoda kukorokotedza vana vawana mibairo yezvekudzidza, mitambo nezvetsika nemagariro ndichiti varambe vachishingirira mune ramangwana ravo. Avo vasina kuwana mibairo ndotiwo vashande nesimba. Mibairo iyi inoratidza kushanda nesimba kuri kuita nedunhu reHighglen mukuvandudza dzidzo yevana, kusimudzira pamwe nekuvandudza zvipo zvavo.

“Vadzidzisi vane basa guru mukuita zvose izvi pamwe nevabereki,” vanodaro VaKateera.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinofarawo kuziva kuti dunhu reHighglen riri kuvandudzawo dzidzo yevana kuburikidza nezvidzidzo zveSTEAM. Pazvidzidzo izvi pachine basa guru muzvikoro nekuti kuzvigona kwevana idanho guru pakusimudzira dzidzo yedu senyika sezvo riri iro dzinde rekuti mwana kana apedza chikoro azove nehunyanzvi pamwe neruzivo kuti basa raachada kuita rinobatwa sei.

“Zvidzidzo izvi ndizvo zvinoumba hwaro hweramangwana remwana munyaya dzemabasa ekuzvishandira nekuti azokwanisa kufarirwa nemakambani apo achazotsvaga basa. Zvidzidzo izvi zvinobatawo mabandiko akawanda ehurongwa hutsva hweNew Curriculum uho hunokurudzira mwana kuti abve kuchikoro ava nehunyanzvi uye kugona kubata mabasa emaoko.”

VaKateera vanoti vanofara kuti dunhu reHighglen rakabura vana vakawanda avo vakapasa zvinodadisa pabvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera.

Mashoko avo anotsinhirwa naDistrict Schools Inspector wekuHighglen District, Dr Tendai Mavhundutse, vachiti dunhu ravo richaramba richisimudzira zvidzidzo zveSTEAM.

“Zvidzidzo zveSTEAM pamwe nemitambo inoitwa pasi peNew Curriculum zvinoda kuti vadzidzisi, vabereki nevana vechikoro vabatane kuti zvibudirire. Tichakurudzirawo zvikoro kuti zvivandudze pekudzidzira pamwe nezvekushandisa pakudzidzwa kwezvidzidzo zveSTEAM kuitira kuti zvive nyore uye vana vakwanise kuita zvidzidzo izvi nezvakakwana. Tinodaro nekuti zvidzidzo izvi zvimwe zvacho zvinoda ruzivo nemidziyo yechizvino-zvino yakafanana nemakombiyuta pamwe nekuti vana vapote vachishandisa dandemutande pakudzidza,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinodawo kutenda vakuru vezvikoro zvemuHighglen, vadzidzisi, vabereki pamwe nevana mukushanda pamwe chete munyaya dzedzidzo pamwe nekuumba hunhu hwevana hwakanaka sezvo zvichiita kuti dunhu redu riyemurwe.”

Share This:

Sponsored Links