Dzidzo yakakosha kumutambi wenhabvu: Mukandi

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

MUBATI wepagedhi weDynamos FC, Artwell Mukandi, anoti zvakakosha zvikuru kuti vatambi venhabvu vechidiki vashande nesimba mudzidzo yavo sezvo ichibatsira kuti vave neramangwana rakanaka.
Achitaura svondo radarika pakuparurwa kwemutambo weCopa Coca Cola Schools Boys and Girls Soccer Tournament kuChemhanza kuHwedza, Mukandi akati mutambi wenhabvu anofanirwa kukoshesa dzidzo yake zvakafanana nenhabvu kuti zvimubatsire kuumbika kuve mutambi akakwana.

Mukandi, uyo akabatsirikana muchirongwa cheCopa Coca Cola Tournament apo aitambira chikoro chePamushana High, akati iye zvino kunyangwe achitambira Dynamos ari pakati pekuita zvidzidzo zvake zveBA Science in Development neZimbabwe Open University. “Chandinoda kukukurudzirai sevatambi venhabvu chinhu chimwe chete, koshesai zvidzidzo zvenyu zvemuchikoro nekuti kana usina dzidzo hapana kwaunosvika.

“Dzidzo yakakosha muhupenyu hwemutambi hwenhabvu kuti uve neramangwana rakanaka saka zvakakosha chaizvo kuti muzvikoshese.

“Unokwanisa hako kuve une tarenda rinodadisa chaizvo asi kana usina dzidzo hapana zvauri uye hapana kwaunosvika.

“Ini dzidzo ndiwo musimboti hwehupenyu hwangu, parizvino ndiri kuita zvidzidzo zveBA Science in Development neZOU. Ndiri kuronga remangwana rangu nekuti hauzive kuti mangwana uchange uripi,” akadaro Mukandi.

Zvakadaro, fainari yemutambo weCopa Coca Cola ichatambirwa muHarare pachikoro cheChurchill High School apo cheChemhanza High iri kutarisirwa kurwira kuchengetedza mukombe wayo  wayakahwina gore radarika.

Gore rino, vakotsveri vemutambo uyu veCoca Cola vari kutumira vatambi vaviri kuBrazil avo vakadadisa pamutambo wegore radarika vanoti Tatenda Munditi aidzidza paChemhanza High ari mubati wepagedhi pamwe neTatenda Elvis Tumba uyo achiri kudzidza. Mukandi, uyo akamboendeswa kunyika iyi neCoca Cola mugore ra2008, akakurudzira vatambi vaviri ava kuti vashandise mukana wavakawaniswa  kuti vanodzidza zvakawanda zvine chekuita nenhabvu apo vari kuenda kuBrazil.

“Brazil inyika huru, kune zvakawanda saka ini ndokukurudzira kuti endai munodzidza kunyika iyi.

“Hamusi kunzi endai munofara kwete asi kuti endai munodzidza.

“Vakawanda vanoshuvira mukana uyu vachiushaya asi imi mauwaniswa saka ndokurumai nzeve ndichiti shandisai mukana uyu kudzidza zvakawanda zvenhabvu pamwe nezvehupenyu hwenyu,” akadaro Mukandi. — AFP.

Share This:

Sponsored Links