Dzidzo yeInfant School 1

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

naChiremba
VAVARIRO yedzidzo yekuInfant School kuumba hwaro hwose hwedzidzo yemwana kubvira kuzivo yemusoro, kubatanidza zvinobatwa nemaoko nedzimwe nhengo dzemuviri uye zvekuyemura kana kusema chinhu.
Pazera irori ndipo panodzidzawo mwana hwaro hwekuverenga uye hwaro hwechidzidzo chenhamba.
Zvimwewo zvinodzidzwa nemwana panguva iyoyi kugona kugadzirisa matambudziko ezera rake aangangosangana nawo muupenyu hwake.

Pazera irori vana vanofanirwa kunge vokwanisa kuziva chakanaka nechakaipa zvepazera ravo uye vanofanirwa kunge vogona kurarama nekugarisana nevamwe vana vachitaurirana zvakanaka nekunzwana.
Vana ava vanenge vaine karuzivo kakanaka kekuti vanonzi vanaani, vakomana here kana kuti vasikana uye kuti vanoerei, vachibvepi.

Zvakakosha kuburitsa pachena kuti muzera wevana ava unotarisirwa kudzidzawo zvakati kuti pamusoro pemakombiyuta nemichina yamazuva ano.
Zvidzidzo zveInfant School:

KuInfant School kune zvidzidzo zvisere zvaimbodaidzwa kuti maSubjects munguva yakare asi muurongwa hutsva zvave kunzi Learning Areas. Zvidzidzwa zvacho zvinoti:
Rurimi rwaamai (Indigenous Language)

Pazera iri vana vanofanirwa kudzidziswa nerurimi urwo vanonyatsonzwisisa – rurimi rwavakatanga kudzidza uye rwavanonzwa nekutaura nyorenyore. Ndimi idzi dzinosiyana siyana nenzvimbo inogara mwana. Saka mutauro unogona kuve Shona, isiNdebele, Venda, Kalanga, Chirungu kana mumwewo mutauro pane gumi nefararira remitauro yeZimbabwe.
Chirungu (English)

Urwu ndirwo rurimi rwamambokadzi, rwevaya vekupamba nyika yedu yeZimbabwe. Mutauro uyu unodzidzisirwa kuitira kubatanidza marudzi ane mitauro yakatsaukana nezvimwewo zvikonzero.
Visual and Performing Arts (V.P.A.)

Muchidzidzo ichi vana vanofanirwa kutaura nyaya uye kudzidza kuburikidza nekudhurowa, kuita mifananidzo, kutamba mitambo yakatsaukana uye iya yesimbisa-muviri pamwe chete nekuimba nekutamba.
Muchikamu chinotevera tichatarisa zvimwe zvinodzidziswa muInfant School.

Share This:

Sponsored Links