Dzikisa sadza nederere

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Dzikisa sadza nederere Derere remashizha

Kwayedza

DERERE kudya kunokurudzirwa sezvo risingabikwe nemafuta ayo anogona kukonzera zvirwere zvakaita sezvemwoyo, Bp nezvimwe. Svondo rino Patricia Chambata wekuDema, kwaSeke, anotsanangura mamwe mabikirwo ederere remashizha.

Zvinodiwa:
Hadyana, derere remashizha, munyu, mvura yakachena, matomatisi, mhiripiri mugoti nesoda.

Mabikiro:

Isa makomichi maviri emvura muhadyana.

Tora twusoda ukande wosiya zvifashaire.

Geza derere worikanda.

Pota uchikurungira kuitira kuti risatutumire pasi.

Kana mvura yava shoma, chekerera matomatisi wokanda.

Isa munyu wakaringana nemhiripiri kana uchiidawo.

Kana raibva, derere rinosara rakakora kunge bota asi richirembuka.

Wozodii?

Chibura unakirwe iwe! Derere rinodyiwa nesadza remhando yese kana kuita zvekunwa, sarudzo ndeyako.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links